99 Jehovha ava mambo.+ Marudzi ngaadedere.+
Iye agere pamakerubhi.+ Nyika ngaizununguke.+
2 Jehovha mukuru muZiyoni,+
Uye ari kumusoro kwemarudzi ose.+
3 Iwo ngaarumbidze zita renyu.+
Iguru uye rinotyisa, idzvene.+
4 Iye akada kururamisira nesimba ramambo.+
Imi makasimbisa kururama.+
Makaruramisira uye makaita zvakarurama pakati paJakobho.+
5 Kudzai Jehovha Mwari wedu,+ mumukotamire muri pachitsiko chetsoka dzake;+
Iye mutsvene.+
6 Mosesi naAroni ndivo vaiva vamwe vevapristi vake,+
Samueri aiva mumwe wevaya vaidana zita rake.+
Vaishevedzera kuna Jehovha, uye iye airamba achivapindura.+
7 Akaramba achitaura navo ari mushongwe yegore.+
Vakachengeta zviyeuchidzo zvake nomurau waakavapa.+
8 Haiwa Jehovha Mwari wedu, imi makavapindura.+
Makava Mwari aivaregerera,+
Aitsiva mabasa avo aiva nomukurumbira wakaipa.+
9 Kudzai Jehovha Mwari wedu+
Uye mukotamirei muri pagomo rake dzvene.+
Nokuti Jehovha Mwari wedu mutsvene.+