97 Jehovha ava mambo!+ Nyika ngaifare.+
Zvitsuwa zvizhinji ngazvifare.+
2 Makore nezarima zvakamupoteredza;+
Kururama nokururamisira ndizvo nzvimbo isingachinji yechigaro chake choumambo.+
3 Moto unoenda uri pamberi pake,+
Uye unoparadza mhandu dzake dziri kumativi ose.+
4 Mheni dzake dzakavhenekera nyika inobereka;+
Nyika yakaona, ikarwadziwa kwazvo.+
5 Makomo akanyunguduka sezvinoita namo nokuda kwaJehovha,+
Nokuda kwaShe wenyika yose.+
6 Matenga akataura nezvokururama kwake,+
Marudzi ose akaona kukudzwa kwake.+
7 Vose vaya vanoshumira chero mufananidzo upi zvawo wakavezwa ngavanyare,+
Vaya vanozvirumbidza navanamwari vasina zvavanobatsira.+
Mukotamirei, imi mose vanamwari.+
8 Ziyoni rakanzwa, rikatanga kufara,+
Mataundi ari pasi peJudha akatanga kufara+
Nokuda kwezvamakatonga, haiwa Jehovha.+
9 Nokuti imi, haiwa Jehovha, ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose;+
Makakwira kunzvimbo yenyu yakakwirira kwazvo kupfuura vamwe vanamwari vose.+
10 Haiwa imi vanoda Jehovha,+ vengai zvakaipa.+
Iye anorinda mweya yevakavimbika vake;+
Anovanunura mumaoko evakaipa.+
11 Chiedza chakabudira munhu akarurama,+
Uye kufara kwakabudira vane mwoyo yakarurama.+
12 Farirai Jehovha, haiwa imi makarurama,+
Ongai chiyeuchidzo chake chitsvene.+