Zvirevo
30 Mashoko aAguri mwanakomana waJake, iro shoko guru.+ Mashoko omurume akagwinya kuna Itieri, kuna Itieri naUkari.
2 Nokuti handifungi kupfuura chero munhu upi zvake,+ handinzwisisi sezvinoita vamwe vanhu;+ 3 handina kudzidza uchenjeri;+ uye handina zivo yoMutsvenetsvene.+
4 Ndiani akambokwira kudenga akaburuka?+ Ndiani akambounganidza mhepo+ muzvanza zvemaoko ake maviri? Ndiani akamboputira mvura mujasi?+ Ndiani akaita kuti migumo yose yenyika isimuke?+ Zita rake ndiani+ uye zita romwanakomana wake ndiani, kana uchiziva?+
5 Mashoko ose aMwari akanatswa.+ Iye inhoo kune vaya vanopotera kwaari.+ 6 Usawedzera chinhu pamashoko ake,+ kuti arege kukutsiura, uye kuti urege kunzi uri murevi wenhema.+
7 Pane zvinhu zviviri zvandakakukumbirai.+ Musandinyima izvozvo ndisati ndafa.+ 8 Isai kusataura chokwadi neshoko renhema kure neni.+ Musandipa urombo kana upfumi.+ Regai ndidye zvokudya zvakandikwanira,+ 9 kuti ndirege kuguta ndikazokurambai+ ndichiti: “Jehovha ndianiko?”+ uye kuti ndirege kuva murombo ndikaba ndikamhura zita raMwari wangu.+
10 Usachera mushandi kuna tenzi wake,+ kuti arege kukutuka, uye kuti urege kunzi une mhosva.+
11 Pane chizvarwa chinotuka kunyange baba vacho uye chisingakomboreri kunyange amai vacho.+
12 Pane chizvarwa chinozviti chakachena+ asi chisina kugezwa tsvina yacho.+
13 Kune chizvarwa chine maziso ane manyawi kwazvo! uye chine maziso anopenya anozvikwidziridza.+
14 Kune chizvarwa chine mazino akaita semapakatwa uye chine mapfupa eshaya akaita semapanga okuurayisa,+ kuti chiparadze vanotambudzika panyika nevarombo pakati pevanhu.+
15 Zvikwevaropa zvine vanasikana vaviri vanoshevedzera vachiti: “Tipei! Tipei!” Kune zvinhu zvitatu zvisingaguti, zvinokwana zvina zvisingati: “Zvakwana!” 16 Sheori+ nechibereko chisingabereki,+ nyika isingaguti mvura,+ uye moto+ usingati: “Zvakwana!”+
17 Ziso rinonyomba baba nerinozvidza kuteerera amai+—richatodogorwa nemakunguo omumupata une rukova uye vana vegondo vacharidya.
18 Kune zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, uye zvinokwana zvina zvandisingazivi: 19 nzira yegondo mumatenga, nzira yenyoka padombo, nzira yengarava mumwoyo megungwa+ uye nzira yomurume ane musikana.+
20 Iyi ndiyo nzira yomukadzi anoita upombwe: anodya, opukuta muromo wake, oti: “Hapana chakaipa chandaita.”+
21 Nyika yakazununguswa nezvinhu zvitatu, uye haikwanisi kutsungirira zvinhu zvina zvinoti: 22 kana muranda ava mambo,+ uye kana benzi rava nezvokudya zvakakwana;+ 23 kana mukadzi anovengwa aroorwa kuti ave mudzimai,+ uye kana mushandikadzi adzinga tenzikadzi wake.+
24 Kune zvinhu zvina zviduku kwazvo panyika, asi zvakasikwa zviine uchenjeri,+ zvinoti: 25 masvosve rudzi rusina kusimba,+ asi anounganidza zvokudya zvawo muzhizha;+ 26 mbira+ rudzi rusina simba, asi dzinoisa imba yadzo paibwe;+ 27 mhashu+ hadzina mambo, asi dzose zvadzo dzinofamba dzakaita mapoka mapoka;+ 28 chipfira+ chinobata nemaoko acho asi chiri mumuzinda wamambo wakaisvonaka.
29 Kune zvitatu zvinofamba zvakanaka, uye zvinokwana zvina zvinofamba zvakanaka, zvinoti: 30 shumba, mhuka ine simba kwazvo pamhuka dzose uye isina wainotiza;+ 31 imbwa yokuvhimisa kana kuti nhongo, uye mambo weboka revarwi revanhu vake.+
32 Kana wakaita noupenzi nokuzvikudza,+ uye kana wakafunga nezvazvo, bata muromo.+ 33 Nokuti kurozva mukaka ndiko kunobudisa ruomba, kudzvinya mhino ndiko kunobudisa ropa, uye kudzvinya kutsamwa ndiko kunobudisa kupopota.+