Zvakazarurwa
15 Zvino ndakaona chimwe chiratidzo+ kudenga, chikuru uye chinoshamisa, ngirozi nomwe+ dziine matambudziko manomwe.+ Aya ndiwo okupedzisira, nokuti kutsamwa+ kwaMwari kunopedzwa nawo.+
2 Ndakaona chaiita sokuti igungwa+ rakaita segirazi rakavhenganiswa nomoto, uye vaya vanokunda+ chikara nomufananidzo+ wacho nenhamba+ yezita racho vakamira pedyo negungwa rakaita segirazi,+ vaine udimbwa+ hwaMwari. 3 Vaiimba rwiyo rwaMosesi+ muranda waMwari norwiyo rweGwayana,+ vachiti:
“Jehovha Mwari, Wemasimbaose,+ mabasa enyu makuru uye anoshamisa.+ Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi,+ imi Mambo asingagumi.+ 4 Chokwadi ndiani asingazokutyii,+ Jehovha,+ nokukudza zita renyu,+ nokuti imi moga makavimbika?+ Nokuti marudzi ose achauya achizonamata+ pamberi penyu, nokuti mirayiro yenyu yakarurama yakaratidzwa pachena.”+
5 Pashure pezvinhu izvi ndakaona, uye nzvimbo tsvene+ yetende rouchapupu+ yakavhurwa kudenga,+ 6 ngirozi nomwe+ dzine matambudziko manomwe+ dzakabuda munzvimbo tsvene, dzakapfeka nguo dzerineni+ yakachena, yaipenya uye dzakanga dzakasunga zvipfuva zvadzo nemabhandi endarama. 7 Chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina+ chakapa ngirozi dzacho nomwe ndiro nomwe dzendarama dzakanga dzizere nokutsamwa kwaMwari,+ iye anorarama nokusingaperi-peri.+ 8 Nzvimbo tsvene yakazara noutsi nokuda kwokubwinya kwaMwari+ uye nokuda kwesimba rake, uye hapana akakwanisa kupinda munzvimbo tsvene kusvikira matambudziko manomwe+ engirozi dzacho nomwe apera.