Eksodho 33:20 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 20 Iye akatiwo: “Haukwanisi kuona chiso changu, nokuti hakuna munhu angandiona akararama.”+ Dheuteronomi 4:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 Jehovha akatanga kutaura nemi ari pakati pomoto+ wacho. Maingonzwa mashoko, asi hapana chimiro+ chamaiona—maingonzwa inzwi+ chete. Dheuteronomi 4:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 “Munofanira kutarisira mweya yenyu zvakanaka,+ nokuti hapana chero chimiro+ chipi zvacho chamakaona pazuva rakataura Jehovha nemi muHorebhi ari pakati pomoto, Johani 1:18 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 18 Hapana munhu akamboona Mwari chero panguva ipi zvayo;+ mwari akaberekwa ari mumwe oga+ ari panzvimbo yepachipfuva+ chaBaba ndiye akamutsanangura.+ Johani 4:24 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 24 Mwari Mudzimu,+ uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.”+
12 Jehovha akatanga kutaura nemi ari pakati pomoto+ wacho. Maingonzwa mashoko, asi hapana chimiro+ chamaiona—maingonzwa inzwi+ chete.
15 “Munofanira kutarisira mweya yenyu zvakanaka,+ nokuti hapana chero chimiro+ chipi zvacho chamakaona pazuva rakataura Jehovha nemi muHorebhi ari pakati pomoto,
18 Hapana munhu akamboona Mwari chero panguva ipi zvayo;+ mwari akaberekwa ari mumwe oga+ ari panzvimbo yepachipfuva+ chaBaba ndiye akamutsanangura.+