RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 25:6
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 6 Vakabva vabata mambo,+ vakaenda naye kwaiva namambo weBhabhironi kuRibra,+ kuti vanomutonga.

  • Jeremiya 34:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Iwe hauzopukunyuki paruoko rwake, nokuti chokwadi uchabatwa uye uchaiswa muruoko rwake.+ Maziso ako achaona maziso amambo weBhabhironi,+ muromo wake uchataura nomuromo wako, uye uchaenda kuBhabhironi.’

  • Jeremiya 37:17
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 17 Mambo Zedhekiya akatumira shoko kuti vamutore, uye mambo akatanga kumubvunza mibvunzo ari mumba make vari munzvimbo yakavandika.+ Akati: “Pane shoko rinobva kuna Jehovha here?” Jeremiya akati: “Riripo!” Akatizve: “Muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi!”+

  • Jeremiya 38:18
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 18 Asi kana musingazoendi kumachinda amambo weBhabhironi, guta rino richaiswawo mumaoko evaKadheya, vacharipisa nomoto,+ uye imi hamuzopukunyuki mumaoko avo.’”+

  • Jeremiya 39:5
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 5 Uto rehondo revaKadheya rakavadzingirira,+ vakabata Zedhekiya pamapani erenje eJeriko.+ Vakabva vamutora, vakaenda naye kuna Nebhukadrezari mambo weBhabhironi kuRibra+ munyika yeHamati+ kuti amuzivise zvaakatonga.+

  • Jeremiya 52:9
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 9 Vakabva vabata mambo, vakaenda naye kwaiva namambo weBhabhironi+ kuRibra+ munyika yeHamati,+ kuti amutonge.+

  • Ezekieri 12:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 Ndichatambanudza mambure angu okuvhimisa pamusoro paro, richabatwa nemambure angu okuvhimisa;+ uye ndichaenda naro kuBhabhironi, kunyika yevaKadheya,+ asi harizoioni; uye iro richafira ikoko.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe