RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 30:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Jehovha Mwari wako achadzosawo vanhu vako vanenge vatapwa,+ okunzwira ngoni,+ okuunganidzazve kubva mumarudzi ose aunenge waparadzirwa kwaari naJehovha Mwari wako.+

  • Pisarema 14:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  7 Haiwa, kudai muZiyoni maiva noruponeso rwaIsraeri!+

      Jehovha paanodzosa vaya vakatapwa pavanhu vake,+

      Jakobho ngaafare, Israeri ngaafare.+

  • Jeremiya 30:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Nokuti, “tarira! mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichaunganidza vanhu vangu vakatapwa, vaIsraeri nevaJudha,”+ Jehovha adaro, “ndichavadzosa kunyika yandakapa madzitateguru avo, uye vachaitazve kuti ive yavo.”’”+

  • Jeremiya 32:44
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 44 “‘Vanhu vachatenga minda nemari, magwaro echibvumirano achanyorwa+ nokunamwa uye zvapupu zvichashevedzwa+ munyika yaBhenjamini+ nomunzvimbo dzakapoteredza Jerusarema+ nomumaguta aJudha+ nomumaguta enzvimbo ine makomo nomumaguta enyika yakadzikira+ nomumaguta ari kumaodzanyemba,+ nokuti ndichadzosa nhapwa dzavo,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe