-
Pisarema 45:mashoko ekusuma-17Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
-
-
Kumutungamiriri weMaruva. Rwiyo rwevanakomana
vaKora. Maskiri. Rwiyo rwevakadzi vanodiwa.
2 Chokwadi wakanaka kupfuura vanakomana vevanhu.+
Nyasha dzakadururirwa pamiromo yako.+
Ndokusaka Mwari akakukomborera nokusingagumi.+
4 Enda ubudirire+ nokubwinya kwako;
Tasva bhiza rako nokuda kwechokwadi nokuzvininipisa nokururama,+
Ruoko rwako rworudyi ruchakurayiridza zvinhu zvinotyisa.+
6 Mwari ndiye chigaro chako choumambo nokusingagumi, kunyange nokusingaperi;+
Tsvimbo youmambo hwako itsvimbo yokururama.+
7 Iwe wakada kururama+ uye unovenga uipi.+
Ndokusaka Mwari, iye Mwari wako,+ akakuzodza+ nemafuta okupembera nomufaro+ kupfuura vamwe vako.+
8 Nguo dzako dzose dzinonhuhwirira mura nearosi nekasiya;+
Zviridzwa zvine tambo zvinobva mumuzinda wakaisvonaka wenyanga dzenzou+ zvakaita kuti ufare.
9 Vanasikana+ vemadzimambo ndevamwe vevakadzi vako vanokudzwa.
Vahosi+ vakamira kuruoko rwako rworudyi vakashonga ndarama yokuOfiri.+
10 Teerera, haiwa iwe mwanasikana, uone, uye rereka nzeve yako;
Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako.+
14 Achaunzwa kuna mambo akapfeka chipfeko chakarukwa.+
Mhandara dzinomutevera seshamwari dzake dziri kupinzwa mauri.+
15 Vachaunzwa nokufara kwazvo nomufaro;
Vachapinda mumuzinda wamambo.
-