RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Pisarema 22:16-18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 16 Nekuti imbwa dzakandikomba;+

      Dzakati name name neni sechikwata chevanhu vanoita zvakaipa,+

      Dziri kuda kuruma maoko angu nemakumbo seshumba.+

      17 Ndinogona kuverenga mapfupa angu ese.+

      Vanonditarisa voramba vakangoti nde-e.

      18 Vanogovana nguo dzangu,

      Uye vanokandira zvipfeko zvangu mijenya.+

  • Isaya 53:1-12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 53 Ndiani akatenda zvaakanzwa kwatiri?*+

      Uye kana ruri ruoko rwaJehovha,+ rwakaratidzwa kuna ani?+

       2 Achabuda sekabazi+ pamberi pake,* semudzi munyika yakaoma.

      Haana chimiro chinoyemurika, kana kubwinya;+

      Uye patinomuona, chimiro chake hachiiti kuti timufarire.*

       3 Akazvidzwa uye akarambwa nevanhu,+

      Munhu ainzwisisa marwadzo* uye aiziva kurwara.

      Zvaiita sekuti chiso chake chakanga chakahwandiswa kuti tisachiona.*

      Akazvidzwa, uye takamuona seasingakoshi.+

       4 Chokwadi iye akatakura zvirwere zvedu,+

      Uye akatakura marwadzo edu.+

      Asi isu takamuona seari kutambura nechirwere, seakarohwa naMwari uye seakarwadziswa.

       5 Asi iye akabayiwa+ nekuda kwekudarika kwedu;+

      Akapwanyiwa nekuda kwekukanganisa kwedu.+

      Akabvuma kurangwa kuti tive nerugare,+

      Uye maronda ake akaita kuti tiporeswe.+

       6 Isu tese tadzungaira semakwai,+

      Mumwe nemumwe atsaukira kunzira yake,

      Uye Jehovha aita kuti kukanganisa kwedu tese kuve paari.+

       7 Akadzvinyirirwa+ uye akabvuma kutambudzwa,+

      Asi aisashama muromo wake.

      Akaunzwa segwai kuzourayiwa,+

      Senhunzvi yegwai yakanyarara pamberi pevaveuri vayo,

      Uye aisashama muromo wake.+

       8 Iye akabviswa nemhaka yekutongwa zvisina kunaka;*

      Uye ndiani achafunga nezvemashoko edzinza rake?*

      Nekuti iye akabviswa panyika yevapenyu;+

      Akarohwa* nekuda kwekudarika kwevanhu vangu.+

       9 Paakafa akapiwa nzvimbo yekuvigwa* pamwe chete nevakaipa+

      Uye pamwe chete nevapfumi,*+

      Kunyange zvazvo pasina chakaipa chaakanga* aita

      Uye pasina mashoko eunyengeri aakambotaura.+

      10 Asi Jehovha aida* kuti apwanyiwe, uye akamurega achirwara.

      Kana mukapa upenyu hwake* sechibayiro chemhosva,+

      Achaona vana* vake, achawedzera mazuva ake,+

      Uye pachishandiswa iye, zvinofarirwa naJehovha zvichabudirira.*+

      11 Nemhaka yemarwadzo ake akanyanya,* iye achaona, ogutsikana.

      Achishandisa ruzivo rwake, mushumiri wangu akarurama+

      Achaita kuti vanhu vakawanda vave vakarurama,+

      Uye achatakura kukanganisa kwavo.+

      12 Nekuda kweizvi ndichamupa mugove pakati pevazhinji,

      Uye achagovana nevane simba zvinhu zvinenge zvapambwa,

      Nekuti akadurura upenyu hwake* kunyange kusvikira parufu+

      Uye akaverengwa pamwe chete nevadariki;+

      Akatakura chivi chevanhu vakawanda,+

      Uye akareverera vadariki.+

  • Dhanieri 9:26
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 26 “Kana mavhiki acho 62 apera, Mesiya achaurayiwa,+ osara asina chaainacho.+

      “Uye vanhu vemutungamiriri achauya vachaparadza guta nenzvimbo tsvene.+ Mugumo wacho uchauya kunge mafashamo. Pachange paine hondo kusvikira pakuguma; Mwari asarudza kuti pave nekuparadzwa.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe