RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Pisarema 2:8, 9
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  8 Ndikumbire, uye ndichakupa marudzi kuti ave nhaka yako

      Uye migumo yenyika kuti ive yako.+

       9 Uchaaputsa netsvimbo yeumambo yesimbi,+

      Uye uchaapwanya semudziyo wakaumbwa.”+

  • Mateu 19:28
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 28 Jesu akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri, pachaitwa kuti zvinhu zvese zvive zvitsva, panogara Mwanakomana wemunhu pachigaro chake cheUmambo chinobwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro zveUmambo 12, muchitonga madzinza 12 aIsraeri.+

  • Ruka 22:28-30
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 28 “Kunyange zvakadaro, imi ndimi makaramba muineni+ mumiedzo yangu;+ 29 uye ndinoita sungano nemi, saBaba vangu vakaita neni sungano yeumambo,+ 30 kuti mudye nekunwa patafura yangu muUmambo hwangu,+ mugare pazvigaro zveumambo+ muchitonga madzinza 12 aIsraeri.+

  • Zvakazarurwa 3:21
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 21 Ndichaita kuti anokunda+ agare neni pachigaro changu cheumambo,+ sezvandakaita pandakakunda ndikagara+ naBaba vangu pachigaro chavo cheumambo.

  • Zvakazarurwa 20:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 Uye ndakaona zvigaro zveumambo, uye vaya vakanga vakagara pazviri vakapiwa simba rekutonga. Chokwadi, ndakaona mweya* yevaya vakaurayirwa* kupupura nezvaJesu uye kutaura pamusoro paMwari, vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho kana kuiswa chiratidzo pahuma dzavo nepamaoko avo.+ Vakava vapenyu, vakatonga semadzimambo naKristu+ kwemakore 1 000.

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe