118 Ongai Jehovha, nekuti akanaka;+
Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.
2 Israeri ngaachiti:
“Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.”
3 Vaya veimba yaAroni ngavachiti:
“Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.”
4 Vaya vanotya Jehovha ngavachiti:
“Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.”
5 Ndakadana Jah ndichitambudzika;
Jah akapindura, akandiisa munzvimbo isina njodzi.+
6 Jehovha ari kurutivi rwangu; handizotyi.+
Munhu angandiitei?+
7 Jehovha ari kurutivi rwangu semubatsiri wangu;+
Ndichatarisa vaya vanondivenga ndavakunda.+
8 Zviri nani kupotera kuna Jehovha
Pane kuvimba nevanhu.+
9 Zviri nani kupotera kuna Jehovha
Pane kuvimba nemachinda.+
10 Marudzi ese akandikomba,
Asi muzita raJehovha,
Ndakaadzingira kure.+
11 Vakandikomba zvekuti ndakanga ndanyatsopoteredzwa,
Asi muzita raJehovha,
Ndakavadzingira kure.
12 Vakandimomotera senyuchi,
Asi vakakurumidza kudzimwa semoto uri muminzwa.
Muzita raJehovha,
Ndakavadzingira kure.+
13 Ndakasundidzirwa nesimba kuti ndiwire pasi,
Asi Jehovha akandibatsira.
14 Jah ndiye anondidzivirira uye ndiye simba rangu,
Uye akava ruponeso rwangu.+
15 Inzwi rekufara neruponeso
Riri mumatende evakarurama.
Ruoko rwerudyi rwaJehovha ruri kuratidza simba rarwo.+
16 Ruoko rwerudyi rwaJehovha ruri kusimudzwa ruchikunda;
Ruoko rwerudyi rwaJehovha ruri kuratidza simba rarwo.+
17 Handisi kuzofa aiwa, ndicharamba ndiri mupenyu,
Kuti ndizivise mabasa aJah.+
18 Jah akandiranga zvakasimba,+
Asi haana kundiisa kurufu.+
19 Ndivhurirei magedhi ekururama;+
Ndichapinda nepaari ndorumbidza Jah.
20 Iri ndiro gedhi raJehovha.
Vakarurama vachapinda nepariri.+
21 Ndichakurumbidzai, nekuti makandipindura+
Uye makava ruponeso rwangu.
22 Dombo rakarambwa nevavaki
Razova dombo guru repakona.+
23 Iri rakabva kuna Jehovha;+
Rinoshamisa mumaziso edu.+
24 Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha;
Tichafara nekufarisisa mariri.
25 Tapota Jehovha, tinokumbirawo kuti mutiponese!
Jehovha, itaiwo kuti tikunde!
26 Akakomborerwa munhu anouya muzita raJehovha;+
Tinokukomborerai tiri mumba maJehovha.
27 Jehovha ndiMwari,
Anotipa chiedza.+
Pindai mumudungwe wevanhu vari pamutambo makabata mapazi emuchindwe,+
Kusvikira kunyanga dzeatari.+
28 Ndimi Mwari wangu, uye ndichakurumbidzai;
Mwari wangu, ndichakukudzai.+
29 Ongai Jehovha,+ nekuti akanaka;
Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.+