Jobho
3 Chokwadi, ziso renyu rinoramba rakamutarisa,
4 Ndiani angabudisa munhu akachena pamunhu asina kuchena?+
Hapana angazvigona!
5 Kana mazuva aachararama akasarudzwa,
Ndimi munoziva kuwanda kwemwedzi yake;
Makamuisira muganhu kuti arege kuudarika.+
7 Nekuti kunyange muti une tariro.
Kana ukatemwa, iwo uchatungirazve,
Uye nhungirwa dzawo dzicharamba dzichikura.
8 Kana mudzi wawo ukakurisa uri muvhu
Uye chigutsa chawo chikafira muvhu,
9 Pachinongonzwa kunhuhwirira kwemvura, chichatungira;
Uye chichabudisa mapazi semuti mutsva.
11 Mvura inonyangarika mugungwa,
Uye rwizi runopwa, rwooma.
12 Munhu anorarawo pasi uye haamuki.+
Havazomuki kusvikira denga risisiko,
Uyewo havazomutswi pahope dzavo.+
13 Haiwa, dai manga mandivanza henyu muGuva,*+
Dai manga mandivanza kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura,
Dai manga manditemera nguva, mozondiyeuka!+
14 Kana munhu akafa, angararamazve here?+
Ndichamirira mazuva ese ebasa rangu rekumanikidzwa,
Kusvikira ndasunungurwa.+
15 Muchashevedza, uye ndichakupindurai.+
Muchasuwa basa remaoko enyu.
16 Asi iye zvino muri kuramba muchiverenga nhanho yangu imwe neimwe;
Munongotsvaga chivi changu chete.
17 Kudarika kwangu kwanamirwa muhomwe,
Uye manama chivi changu neguruu.