RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • VaFiripi 1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVaFiripi

      • Kwaziso (1, 2)

      • Kutenda Mwari; munyengetero waPauro (3-11)

      • Mashoko akanaka anopararira pasinei nekutambudzwa (12-20)

      • Kurarama ndiKristu, kufa kupfuma (21-26)

      • Kuzvibata zvinoenderana nemashoko akanaka (27-30)

VaFiripi 1:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 16:12
  • +1Ti 3:1, 8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Vashumiri Veungano Vanoita Basa Rinokosha

    od chits. 6 ndim. 1

VaFiripi 1:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaT 1:2

VaFiripi 1:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nezvamakaita kuti mashoko akanaka afambire mberi.”

VaFiripi 1:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaF 2:13
  • +1VaK 1:8

VaFiripi 1:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaE 3:1; VaF 1:13; VaK 4:18; 2Ti 1:8; Fir 13
  • +Mab 24:10, 14; 25:10-12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    ‘Kutsigira Mashoko Akanaka Nekushandisa Mutemo Kuitira Kuti Asarambidzwa’

    mwb23.07 p. 3

    “Yambukirai Kuno kuMakedhoniya”

    bt chits. 16 ndim. 18

    Mashoko Akanaka Ari Kuparidzwa Sei?

    lff chidzidzo 21 pfungwa 6

    Kugadzirira Kuti Marudzi ‘Adzidziswe naJehovha’

    w15 2/15 pp. 22-23

    Jehovha Anogadzirira Nzira

    w99 8/15 pp. 21-22

    ‘Kudzivirira Nokusimbisa Pamutemo Mashoko Akanaka’

    jv chits. 30

    Kudzivirira Kutenda Kwedu

    w98 12/1 p. 18

    Bhuku reBhaibheri Nhamba 17—Estere

    si p. 94 ndim. 17-18

VaFiripi 1:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaT 3:12
  • +Joh 17:3
  • +VaH 5:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Vechidiki—Rambai Muchifambira Mberi Pashure Pekubhabhatidzwa

    w22.08 p. 3 ndim. 4

    Rudo Rwenyu Ngaruwedzere

    w19.08 pp. 9-10

    Rerekera Mwoyo Wako Kunzwisiso

    w97 3/15 pp. 16-17 ndim. 19-20

    “Basa Rinoyera Nesimba Renyu Rokurangarira”

    w95 6/15 p. 20 ndim. 9

VaFiripi 1:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 12:2
  • +VaR 14:13, 21

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Chii Chichakubatsira Kuramba Uchidzidza Bhaibheri?

    lff chidzidzo 12 pfungwa 4

    Zvivaraidze Nezvinhu Zvinofadza Jehovha

    lff chidzidzo 53 pfungwa 4

    Kukunda Dambudziko Rekushushikana

    g20 nha. 1 p. 12

    Rudo Rwenyu Ngaruwedzere

    w19.08 pp. 10-12

    Gara Uchishandisa Magwaro Pakuronga Nezvoutano Hwako

    w08 11/15 p. 24 ndim. 8-9

    Rerekera Mwoyo Wako Kunzwisiso

    w97 3/15 pp. 16-17 ndim. 19-20

VaFiripi 1:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joh 15:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rudo Rwenyu Ngaruwedzere

    w19.08 p. 12

    Ungano Ngairumbidze Jehovha

    w07 4/15 p. 24 ndim. 18

VaFiripi 1:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaE 3:1
  • +Mab 28:30, 31

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Waizviziva Here?

    w26.11 p. 29

    Tsanangudzo Yemashoko emuBhaibheri

    nwt p. 1971

    Varindi vomuMuzinda waMambo Vanoparidzirwa

    w13 2/15 pp. 14-16

VaFiripi 1:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Chii Chiri Kiyi kuchiKristu Chaichoicho?

    w91 10/1 p. 21

VaFiripi 1:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaF 1:7

VaFiripi 1:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2VaK 1:11
  • +Joh 15:26

VaFiripi 1:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 14:8; 1Pe 4:16

VaFiripi 1:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaG 2:20
  • +1VaT 4:14; 2Ti 4:8; Zva 14:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Chinetso Chorudzidziso

    w95 3/1 p. 30

VaFiripi 1:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Ti 4:6
  • +2VaK 5:6, 8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa VaGaratiya, VaEfeso, VaFiripi, Uye VaKorose

    w08 8/15 p. 28 ndim. 2

    Chinetso Chorudzidziso

    w95 3/1 pp. 30-31

VaFiripi 1:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “makabatana.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaE 4:1, 3; VaK 1:10
  • +VaR 15:5, 6; 1VaK 1:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Itai Sevagari vomuUmambo hwaMwari!

    w12 8/15 pp. 11-12 ndim. 1-3

    Vanamati Vechokwadi Vanoonekwa Nokubatana Kwavo

    w10 9/15 p. 13 ndim. 9

VaFiripi 1:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2VaT 1:6
  • +Ru 21:19; 2VaT 1:4, 5

VaFiripi 1:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 5:41

VaFiripi 1:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 16:22, 23; 1VaT 2:2

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

VaF. 1:1Mab 16:12
VaF. 1:11Ti 3:1, 8
VaF. 1:41VaT 1:2
VaF. 1:6VaF 2:13
VaF. 1:61VaK 1:8
VaF. 1:7VaE 3:1; VaF 1:13; VaK 4:18; 2Ti 1:8; Fir 13
VaF. 1:7Mab 24:10, 14; 25:10-12
VaF. 1:91VaT 3:12
VaF. 1:9Joh 17:3
VaF. 1:9VaH 5:14
VaF. 1:10VaR 12:2
VaF. 1:10VaR 14:13, 21
VaF. 1:11Joh 15:5
VaF. 1:13VaE 3:1
VaF. 1:13Mab 28:30, 31
VaF. 1:16VaF 1:7
VaF. 1:192VaK 1:11
VaF. 1:19Joh 15:26
VaF. 1:20VaR 14:8; 1Pe 4:16
VaF. 1:21VaG 2:20
VaF. 1:211VaT 4:14; 2Ti 4:8; Zva 14:13
VaF. 1:232Ti 4:6
VaF. 1:232VaK 5:6, 8
VaF. 1:27VaE 4:1, 3; VaK 1:10
VaF. 1:27VaR 15:5, 6; 1VaK 1:10
VaF. 1:282VaT 1:6
VaF. 1:28Ru 21:19; 2VaT 1:4, 5
VaF. 1:29Mab 5:41
VaF. 1:30Mab 16:22, 23; 1VaT 2:2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
VaFiripi 1:1-30

Tsamba kuvaFiripi

1 Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vese vari pamwe naKristu Jesu vari muFiripi,+ pamwe chete nevatariri nevashumiri veungano:+

2 Nyasha nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.

3 Ndinogara ndichitenda Mwari wangu pandinofunga nezvenyu, 4 pandinokunyengetererai mese ndichiteterera. Pese pandinoteterera ndinenge ndichifara,+ 5 nekuti makatsigira mashoko akanaka* kubvira pazuva rekutanga kusvikira iye zvino. 6 Nekuti ndine chokwadi chekuti uya akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa,+ kusvikira pazuva raKristu Jesu.+ 7 Handingamboregi kufunga zvakadai nezvenyu mese, sezvo muri pamwoyo pangu, uye muri imi makava neni pandakaratidzwa nyasha pazvisungo zvangu zvemujeri+ uye pakutsigira mashoko akanaka nekushandisa mutemo kuita kuti asarambidzwa.+

8 Nekuti Mwari anondipupurira kuti ndinokusuwai mese nerudo rwakadzama serwaKristu Jesu. 9 Uye ndinoramba ndichinyengeterera kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowedzera+ neruzivo rwakarurama+ uye kuti munyatsova neungwaru;+ 10 kuti muve nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe,+ musina chamunopomerwa uye musingagumburi vamwe+ kusvikira pazuva raKristu; 11 uye kuti muzadzwe nechibereko chakarurama, kuburikidza naJesu Kristu,+ kuti Mwari akudzwe uye arumbidzwe.

12 Hama ndinoda kuti muzive kuti zviri kuitika kwandiri zvatozoita kuti mashoko akanaka afambire mberi, 13 zvekuti kusungwa+ kwangu nekuda kwaKristu kwava kuzivikanwa+ neVarindi veMuzinda waMambo vese nevamwe vanhu vese. 14 Hama dzakawanda munaShe dzava nechivimbo pamusana pekusungwa kwandakaitwa, uye dzava kutonyanya kuratidza ushingi pakutaura shoko raMwari dzisingatyi.

15 Ichokwadi kuti vamwe vari kuparidza Kristu negodo nemakwikwi, asi vamwe nechinangwa chakanaka. 16 Vaya vari kuparidza nechinangwa chakanaka vari kuzivisa Kristu zvichibva parudo, nekuti vanoziva kuti ndakagadzwa kuti nditsigire mashoko akanaka;+ 17 asi vamwe vacho vanozviita zvisingabvi pamwoyo, vachikakavara, nekuti vari kuda kundidenhera matambudziko ndakasungwa kudai. 18 Zviri kuzoguma nei? Pangava pari kuparidzwa nechinangwa chisiri icho kana kuti pachokwadi, Kristu ari kuziviswa, uye ndiri kufadzwa nazvo. Ndingatoti ndicharamba ndichifara, 19 nekuti ndinoziva kuti izvi zvichaita kuti ndiponeswe nekunyengetera kwenyu muchiteterera+ uye kutsigirwa nemweya waJesu Kristu.+ 20 Izvi zvinoenderana nechido chakasimba chandiinacho uye tariro yekuti handina chandichanyara nacho, asi kuti ndichitaura ndakasununguka, Kristu achakudzwa iye zvino, sezvaagara achiitwa, kuburikidza nemuviri wangu, mungava mukurarama kana murufu.+

21 Nekuti kwandiri, kurarama ndiKristu,+ uye kufa kupfuma.+ 22 Kana kuri kuramba ndichirarama panyama, izvi ndizvo zvibereko zvebasa rangu; asi handitauri kuti ndichasarudza chipi. 23 Ndiri kushaya kuti ndosarudza chipi pazviviri izvi, nekuti ndinoda kusunungurwa uye kuva naKristu,+ izvo zvandiine chokwadi kuti ndizvo zviri nani.+ 24 Asi zvakatonaka kuti ndirambe ndiripo panyama kuti zvikubatsirei. 25 Saka sezvo ndiine chivimbo nazvo, ndinoziva kuti ndicharamba ndiripo uye ndiinemi mese kuti mufambire mberi uye muve nemufaro pakutenda kwenyu, 26 kuti mufaro wenyu ufashukire muna Kristu Jesu pamusana pangu pandinenge ndiinemi zvakare.

27 Chamuri kufanira kungoita chete kuzvibata zvinoenderana nemashoko akanaka pamusoro paKristu,+ kuti kunyange ndikauya ndokuonai kana kuti kana ndikasavapo, ndinzwe nezvenyu kuti makamira makasimba mumafungiro mamwe chete, uye mweya mumwe chete,*+ muchishanda nesimba pamwe chete nekuda kwekutenda kwemashoko akanaka, 28 musingambotyi vanokupikisai. Ichi chiratidzo chekuti ivo vachaparadzwa,+ asi imi muchaponeswa;+ uye izvi zvinobva kuna Mwari. 29 Nekuti makakomborerwa nekupiwa basa raKristu, kuti musangotenda maari chete, asiwo kuti mutambure nekuda kwake.+ 30 Nekuti hondo yamuri kusangana nayo yakafanana neyamakaona ndichisangana nayo,+ yamuri kunzwa kuti ndichiri mairi.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe