Isaya
13 Mutongo pamusoro peBhabhironi+ wakaonekwa muchiratidzo naIsaya+ mwanakomana waAmozi:
2 “Misai chiratidzo*+ pagomo rine matombo ari pachena.
Shevedzerai kwavari, ninirai ruoko,
Kuti vapinde mumasuo evakuru vakuru.
3 Ndapa murayiro kune vaya vandagadza.*+
Ndashevedza varwi vangu vane simba kuti varatidze kutsamwa kwangu,
Ivo vanhu vangu vanopembera nemufaro vachizvikudza.
4 Teererai! Boka guru revanhu riri mumakomo;
Vanonzwika sevanhu vazhinji!
Teererai! Mheremhere yeumambo,
Yemarudzi akaungana!+
Jehovha wemauto ari kuunganidza uto kuti rirwe hondo.+
5 Vari kubva kunyika iri kure,+
Kunogumira denga,
Iye Jehovha nezvombo zvehasha dzake,
Kuti vaparadze nyika yese.+
6 Ridzai mhere, nekuti zuva raJehovha rava pedyo!
Richauya sekuparadza kunobva kune Wemasimbaose.+
Vari kugwinha-gwinha vachirwadziwa,
Sezvinoita mukadzi ari kusununguka.
Vanotarisana vachitya,
Zviso zvavo zvichiyuwira nekurwadziwa.
9 Inzwai! Zuva raJehovha riri kuuya,
Riine utsinye nekushatirwa uye kutsamwa kukuru,
Kuti riite kuti nyika ive chinhu chinotyisa,+
Uye kuti riparadze vatadzi panyika.
10 Nekuti nyeredzi dzedenga nemapoka adzo*+
Hadzizobudisi chiedza chadzo;
Zuva richange rakasviba parinobuda,
Uye mwedzi hauzovheneki.
Ndichagumisa kudada kwevanozvikudza,
Uye ndichaninipisa vadzvinyiriri vanozvitutumadza.+
12 Ndichaita kuti vanhu vave vashoma kupfuura goridhe rakanatswa,+
Uye kuti vanhu vave vashoma kupfuura goridhe rekuOfiri.+
13 Ndokusaka ndichaita kuti denga ridedere,
Uye nyika ichazununguswa ichibva munzvimbo yayo+
Nekuda kwekushatirwa kukuru kwaJehovha wemauto pazuva rekutsamwa kwake kukuru.
14 Semhara iri kuvhimwa uye sezvipfuwo zvisina anozviunganidza,
Mumwe nemumwe achadzokera kuvanhu vake;
Mumwe nemumwe achatizira kunyika yake.+
16 Vana vavo vacharoverwa pasi voitwa zvidimbu zvidimbu ivo vakatarisa.+
Zvinhu zviri mudzimba dzavo zvichapambwa,
Uye madzimai avo achabatwa chibharo.
19 Uye Bhabhironi, umambo hunokudzwa kupfuura humwe hwese,*+
Runako uye chidadiso chevaKadheya,+
Richava semaguta eSodhomu neGomora paakaparadzwa naMwari.+
Hapana muArabhu achadzika tende rake imomo,
Uye hapana vafudzi vachaita kuti zvipfuwo zvavo zvizorore imomo.
21 Zvisikwa zvemugwenga zvicharara pasi imomo;
Dzimba dzavo dzichazara nemazizi mahombe.
22 Zvisikwa zvinoungudza zvichachema zviri mushongwe dzaro,
Nehunguhwe* mumizinda yaro yakanaka chaizvo.
Nguva yaro yava kusvika, uye mazuva aro haazowedzerwi.”+