Bhuku Rekutanga reMadzimambo
4 Mambo Soromoni aitonga vaIsraeri vese.+ 2 Aya ndiwo aiva makurukota* ake: Azariya mwanakomana waZadhoki+ aiva mupristi; 3 Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha, vaiva vanyori;+ Jehoshafati+ mwanakomana waAhirudhi ndiye aiva munyori wezvaiitika; 4 Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha aiva mukuru weuto; Zadhoki naAbhiyatari+ vaiva vapristi; 5 Azariya mwanakomana waNatani+ aiva mukuru wevatariri; Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva mupristi uye shamwari yamambo;+ 6 Ahishari ndiye aitungamirira pamuzinda; uye Adhoniramu+ mwanakomana waAbdha, aitungamirira vaya vakanga vatorwa kuti vaite basa rekumanikidzwa.+
7 Soromoni aiva nevatariri 12 vaitungamirira vaIsraeri vese, uye vaiunza zvekudya kuna mambo neimba yake. Mumwe nemumwe wavo aifanira kuunza zvekudya kwemwedzi mumwe chete pagore.+ 8 Aya ndiwo aiva mazita avo: Mwanakomana waHeri, munyika ine makomo yaEfremu; 9 mwanakomana waDhekeri, kuMakazi, Shaaribhimu,+ Bheti-shemeshi nekuEroni-bheti-hanani; 10 mwanakomana waHesedhi, kuArubhoti (Soko nenyika yese yeHeferi zvaiva pasi pake); 11 mwanakomana waAbhinadhabhu, munzvimbo dzese dzine materu dzeDhori (Tafati mwanasikana waSoromoni akava mudzimai wake); 12 Bhaana mwanakomana waAhirudhi, kuTaanaki, Megidho,+ neBheti-sheyani+ yese, iri pedyo neZaretani muzasi meJezreeri, kubva kuBheti-sheyani kusvika kuAbheri-mehora kusvika kunharaunda yeJokmeyamu;+ 13 mwanakomana waGebheri, kuRamoti-giriyedhi+ (aiona nezvemisha yematende yaJairi+ mwanakomana waManase iri muGiriyedhi;+ uye aionawo nezvenharaunda yeAgobhu,+ iri muBhashani:+ maguta makuru 60 ane masvingo nemazariro* emhangura); 14 Ahinadhabhu mwanakomana waIdho, kuMahanaimu;+ 15 Ahimaazi, kwaNaftari (akatora Bhasemati, mumwe wevanasikana vaSoromoni, kuti ave mudzimai wake); 16 Bhaana mwanakomana waHushai, kwaAsheri neBheyaroti; 17 Jehoshafati mwanakomana waParua, kwaIsakari; 18 Shimei+ mwanakomana waEra, kwaBhenjamini;+ 19 Gebheri mwanakomana waUrai, munyika yeGiriyedhi,+ nyika yaSihoni+ mambo wevaAmori, neyaOgi+ mambo weBhashani. Kwaivawo nemumwe mutariri aiva mukuru wevamwe vatariri vese ava vemunyika yacho.
20 VaJudha nevaIsraeri vakanga vakawanda sejecha riri pedyo negungwa;+ vaidya nekunwa vachifara chaizvo.+
21 Soromoni aitonga madzimambo ese kubva kuRwizi*+ kusvika kunyika yevaFiristiya uye kusvika kumuganhu weIjipiti. Vaiuya nemutero, uye vaiva pasi paSoromoni mazuva ese eupenyu hwake.+
22 Zvekudya zvaSoromoni zvezuva rimwe nerimwe zvaiva makori* 30 efurawa yakatsetseka nemakori 60 efurawa, 23 mombe 10 dzakakodzwa, nemombe 20 dzaifudzwa kumafuro, nemakwai 100, tisingabatanidzi nondo hono, mhara, mhembwe neshiri dzakakodzwa. 24 Nekuti aitonga zvinhu zvese kudivi rino reRwizi,*+ kubva kuTifsa kusvika kuGaza,+ kubatanidza madzimambo ese aiva kudivi rino reRwizi; uye akava nerugare munzvimbo dzese, kumativi ese akanga akamupoteredza.+ 25 VaJudha nevaIsraeri vaigara zvakanaka vasina chekutya, mumwe nemumwe ari pasi pemuzambiringa wake nepasi pemuonde wake, kubva kuDhani kusvika kuBheeri-shebha, mazuva ese aSoromoni.
26 Soromoni aivawo nematanga 4 000* emabhiza epangoro dzake nemabhiza* 12 000.+
27 Vatariri vacho vaipa zvekudya kuna Mambo Soromoni nevanhu vese vaidya patafura yaMambo Soromoni. Mumwe nemumwe aiva nemwedzi wake waaiunza zvekudya uye aiva nechokwadi chekuti hapana chaishayika.+ 28 Vaiuyawo nebhari neuswa hwemabhiza kwese kwahwaidiwa, kusanganisira hwemabhiza aidhonza ngoro, mumwe nemumwe maererano nezvaakanzi aite.
29 Mwari akapa Soromoni uchenjeri neungwaru hwakakura chaizvo uye akamupawo mwoyo unoziva* zvinhu zvakawanda sejecha riri pamahombekombe egungwa.+ 30 Uchenjeri hwaSoromoni hwaipfuura nekure uchenjeri hwevanhu vese vekuMabvazuva neuchenjeri hwese hweIjipiti.+ 31 Akanga akachenjera kupfuura chero mumwe munhu upi zvake, kupfuura Etani+ muEzrahi naHemani,+ naKarikori,+ naDhadha, vanakomana vaMahori; mukurumbira wake wakasvika kumarudzi ese akanga akavapoteredza.+ 32 Akanyora* zvirevo+ 3 000 uye nziyo+ dzake dzaiva 1 005. 33 Aitaura nezvemiti, kubvira kumusidhari uri muRebhanoni kusvikira kuhisopi+ inomera pamadziro; aitaura nezvemhuka,+ shiri,*+ zvinhu zvinokambaira,*+ nehove. 34 Vanhu vaibva kumarudzi ese vaiuya kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, kusanganisira madzimambo aibva kumativi ese enyika ayo akanga anzwa nezveuchenjeri hwake.+