Rwiyo rwaDhavhidhi rwekurumbidza.
א [Aleph]
145 Ndichakukudzai, haiwa Mwari wangu Mambo,+
Ndicharumbidza zita renyu nariini nariini.+
ב [Beth]
2 Ndichaswera ndichikurumbidzai;+
Ndicharumbidza zita renyu nariini nariini.+
ג [Gimel]
3 Jehovha mukuru uye akanyatsokodzera kurumbidzwa,+
Ukuru hwake hahugoni kuongororwa.+
ד [Daleth]
4 Zvizvarwa nezvizvarwa zvicharumbidza mabasa enyu;
Zvichazivisa nezvemabasa enyu esimba.+
ה [He]
5 Vachataura nezvekubwinya kunoshamisa kweukuru hwenyu+
Uye ndichafungisisa mabasa enyu anoshamisa.
ו [Waw]
6 Vachataura nezvemabasa enyu anoshamisa,
Uye ndichazivisa ukuru hwenyu.
ז [Zayin]
7 Vachafara kwazvo pavanoyeuka kunaka kwenyu kukuru,+
Uye vachapembera nemufaro nekuda kwekururama kwenyu.+
ח [Heth]
8 Jehovha ane tsitsi nengoni,+
Anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji.+
ט [Teth]
9 Jehovha akanaka kuzvisikwa zvese,+
Uye ngoni dzake dzinooneka pamabasa ake ese.
י [Yod]
10 Mabasa enyu ese achakukudzai, haiwa Jehovha,+
Uye vanhu venyu vakavimbika vachakurumbidzai.+
כ [Kaph]
11 Vachazivisa nezvekukudzwa kweumambo hwenyu,+
Votaura nezvesimba renyu,+
ל [Lamed]
12 Kuti vazivise vanhu mabasa enyu esimba+
Nekubwinya kunoshamisa kweumambo hwenyu.+
מ [Mem]
13 Umambo hwenyu umambo hunogara nekusingagumi,
Uye kutonga kwenyu kunogara kuripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
ס [Samekh]
14 Jehovha anotsigira vese vari kuwa+
Uye anosimudza vese vakakotamiswa.+
ע [Ayin]
15 Maziso ezvinhu zvese anotarisa kwamuri aine tariro;
Munozvipa zvekudya zvazvo mumwaka wazvo.+
פ [Pe]
16 Munovhura ruoko rwenyu
Mogutsa zvido zvezvinhu zvese zvipenyu.+
צ [Tsade]
17 Jehovha akarurama munzira dzake dzese+
Uye akavimbika pazvese zvaanoita.+
ק [Qoph]
18 Jehovha ari pedyo nevanhu vese vanodana kwaari,+
Vese vanodana kwaari muchokwadi.+
ר [Resh]
19 Anogutsa zvido zvevaya vanomutya;+
Anonzwa kuchemera kwavo kubatsirwa, uye anovanunura.+
ש [Shin]
20 Jehovha anochengetedza vese vanomuda,+
Asi achaparadza vakaipa vese.+
ת [Taw]
21 Muromo wangu uchazivisa kurumbidzwa kwaJehovha;+
Zvinhu zvese zvipenyu ngazvirumbidze zita rake dzvene nariini nariini.+