Zekariya
8 Shoko raJehovha wemauto rakauyazve, richiti: 2 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Ndichashingairira Ziyoni kwazvo,+ uye ndichazviita ndakatsamwa chaizvo.’”
3 “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichadzokera kuZiyoni+ ndogara muJerusarema;+ uye Jerusarema richanzi guta rechokwadi,*+ uye gomo raJehovha wemauto richanzi gomo dzvene.’”+
4 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Harahwa nechembere dzichagarazve mumisika yeJerusarema, dzakura zvekuti mumwe nemumwe anenge aine mudonzvo wake.+ 5 Uye misika yeguta ichazara nevakomana nevasikana vanenge vachitamba.’”+
6 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Kunyange zvazvo mazuva iwayo vaya vachasara pavanhu ava vangaona sezvakanyanya kuoma, zvinganyanyawo kuoma kwandiri here?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.”
7 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Ndichaponesa vanhu vangu kubva kunyika dziri kumabvazuva nekumavirira.+ 8 Ndichavaunza, uye vachagara muJerusarema.+ Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo+ akatendeka uye akarurama.’”*
9 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Maoko enyu ngaasimbe,*+ imi muri kunzwa mashoko aya ari kutaurwa nevaprofita,+ iwo mashoko akataurwawo pazuva rakavakwa faundesheni yeimba yaJehovha wemauto, kuti temberi ivakwe. 10 Nguva iyoyo isati yasvika vanhu vaisabhadharwa basa ravanenge vaita uye rinenge raitwa nezvipfuwo;+ uye vanhu vaitadza kufamba nemhaka yemuvengi, nekuti ndakaita kuti vese vapandukirane.’
11 “‘Asi iye zvino handizoitiri vanhu ava vakasara zvandakamboita kare,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto. 12 ‘Nekuti mbeu yerugare ichadyarwa; muzambiringa uchabereka michero, nyika ichabereka,+ uye denga richapa dova raro. Ndichaita kuti zvinhu zvese izvi zvive nhaka yevakasara.+ 13 Imi imba yaJudha neimba yaIsraeri, makava vanhu vanotukwa nemarudzi,+ asi ini ndichakuponesai, uye muchava chikomborero.+ Musatya!+ Maoko enyu ngaave nesimba.’*+
14 “Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, ‘“Sekusarudza kwandakaita kukuunzirai dambudziko pamusana pekuti madzitateguru enyu akanditsamwisa, ndikasachinja pfungwa,”*+ anodaro Jehovha wemauto, 15 “panguva ino ndasarudzawo kuitira Jerusarema neimba yaJudha zvinhu zvakanaka.+ Musatya!”’+
16 “‘Izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kuita: Tauriranai chokwadi,+ uye mitongo yamunopa pamagedhi enyu ngaitsigire chokwadi uye ngaiite kuti pave nerugare.+ 17 Musarongerana zvakaipa mumwoyo menyu,+ uye musada mhiko yenhema;+ nekuti zvese izvi zvinhu zvandakavenga,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
18 Shoko raJehovha wemauto rakauyazve kwandiri, richiti: 19 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Kutsanya kunoitwa mumwedzi wechina,+ nekutsanya kunoitwa mumwedzi wechishanu,+ nekutsanya kunoitwa mumwedzi wechi7,+ nekutsanya kunoitwa mumwedzi wechi10+ kuchava nguva yekupembera nemufaro kuvanhu veimba yaJudha, ichava mitambo yekufara chaizvo.+ Saka idai chokwadi nerugare.’
20 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Zvichatoitika, uye marudzi nevagari vemumaguta mazhinji vachauya; 21 uye vagari vemune rimwe guta vachaenda kune rimwe guta, voti: “Ngatiendei kunoteterera Jehovha nemwoyo wese kuti atinzwire nyasha uye kunotsvaga Jehovha wemauto. Neniwo ndichaenda.”+ 22 Vanhu vazhinji nemarudzi ane simba vachauya kuzotsvaga Jehovha wemauto muJerusarema+ uye kuzoteterera Jehovha kuti avanzwire nyasha.’
23 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Mazuva iwayo varume gumi vemitauro yese yemarudzi+ vachabata, chokwadi vachanyatsobata nguo* yemuJudha,* vachiti: “Tinoda kuenda nemi,+ nekuti takanzwa kuti Mwari anemi.”’”+