Mapisarema
104 Regai ndirumbidze* Jehovha.+
Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo.+
3 Anomisa matanda edzimba dzake dzepamusoro mumvura iri kumusoro,+
Achiita kuti makore ave ngoro yake,+
Achifamba ari pamapapiro emhepo.+
6 Makaifukidza nemvura yakadzika sekunge yakafukidzwa nechipfeko.+
Mvura yakamira pamusoro pemakomo.
Pakanzwika kutinhira kwenyu, yakavhunduka ikatiza,
8 Makomo achikwira+ uye mapani achidzika,
Iyo ichienda kunzvimbo yamakaigadzirira.
10 Anotuma zvitubu mumipata;
Zvinoyerera nepakati pemakomo.
11 Zvinopa mhuka dzese dzemusango mvura;
Madhongi emusango anopedza nyota yawo.
12 Shiri dzedenga dzinogara pamusoro pazvo;
Dzinoimba dziri mumashizha emiti akasvibira.
13 Iye anodiridza makomo ari mudzimba dzake dzepamusoro.+
Nyika inogutswa nezvibereko zvemabasa enyu.+
14 Anomeresera mombe uswa
Uye miti yekuti vanhu vashandise,+
Kuti varime zvekudya panyika
15 Newaini inoita kuti mwoyo wemunhu ufare,+
Mafuta anopenyesa chiso,
Nechingwa chinosimbisa mwoyo wemunhu.+
Imba yeshuramurove+ iri mumiti yemijunipa.
22 Zuva parinobuda,
Dzinodzokera dzonorara mumapako adzo.
23 Munhu anoenda kubasa kwake,
Uye anoshanda kusvikira manheru.
24 Haiwa Jehovha, mabasa enyu akawanda chaizvo!+
Makaaita ese neuchenjeri.+
Nyika yakazara nezvinhu zvamakaita.
25 Kune gungwa, iro rakakura uye rakafara kwazvo,
Rakazara nezvinhu zvipenyu zvisingaverengeki, zvikuru nezvidiki.+
28 Zvinounganidza zvamunozvipa.+
Pamunovhura ruoko rwenyu, zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.+
29 Pamunovanza chiso chenyu, zvinonetseka.
Kana mukabvisa simba razvo reupenyu,* zvinofa, zvodzokera kuguruva.+
31 Kubwinya kwaJehovha kucharamba kuripo nekusingaperi.
Jehovha achafarira mabasa ake.+
33 Ndichaimbira Jehovha+ upenyu hwangu hwese;
Ndichaimba ndichirumbidza Mwari wangu* chero bedzi ndiri mupenyu.+
34 Zvandinofunga ngazvimufadze.*
Ini ndichafara muna Jehovha.