Ezekieri
37 Ruoko rwaJehovha rwaiva pandiri, uye Jehovha akandisimudza nemweya wake, akandiisa pakati pebani+ rakanga rizere nemapfupa. 2 Akaita kuti ndifambe ndichiona kwese kwaiva nemapfupa acho, ndikaona kuti akanga akawanda chaizvo mubani racho, uye akanga akaoma chaizvo.+ 3 Akandibvunza kuti: “Mwanakomana wemunhu, mapfupa aya angavazve mapenyu here?” Ini ndikati: “Changamire Ishe Jehovha, ndimi munoziva.”+ 4 Saka akati kwandiri: “Profita kumapfupa aya, uti kwaari, ‘Inzwai shoko raJehovha imi mapfupa akaoma:
5 “‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kwamuri imi mapfupa: “Ndichaita kuti mweya wekufema uve mamuri, uye muchava vapenyu.+ 6 Ndichaisa marunda* nenyama pamuri, uye ndichakuisai ganda pamusoro, ndoisa mweya wekufema mamuri mova vapenyu; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.”’”
7 Ndakabva ndaprofita sezvandakanga ndarayirwa. Pandakangoprofita, pakanzwika ruzha rwezvinhu zviri kurovana-rovana, uye mapfupa acho akatanga kubatana, pfupa richibatana nerimwe pfupa. 8 Ndakabva ndaona marunda nenyama zvichienda paari, achibva avharwa neganda. Asi akanga asati ava nemweya wekufema.
9 Akabva ati kwandiri: “Profita kumhepo. Mwanakomana wemunhu, profita uti kumhepo, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Iwe mhepo,* uya uchibva kumativi mana,* ufuridze vanhu ava vakaurayiwa, kuti vavezve vapenyu.”’”
10 Saka ndakaprofita sezvaakanga andiudza, uye mweya wekufema wakapinda mavari vakatanga kurarama uye vakabva vasimuka.+ Vaiva uto rakakura kwazvo.
11 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, imba yaIsraeri yese ndiyo mapfupa aya.+ Ivo vari kuti, ‘Mapfupa edu aoma uye hatisisina tariro.+ Tabviswa pane vamwe tikaiswa kwedu tega.’ 12 Saka profita, uti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Imi vanhu vangu, ndichavhura makuva enyu,+ ndokumutsai imomo, ndokuendesai kunyika yeIsraeri.+ 13 Imi vanhu vangu, muchaziva kuti ndini Jehovha pandichavhura makuva enyu uye pandichakumutsai mobuda imomo.”’+ 14 ‘Ndichaisa mweya wangu mamuri, mova vapenyu,+ uye ndichakugarisai munyika yenyu. Muchaziva kuti ini Jehovha ndataura uye ndazviita,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
15 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 16 “Mwanakomana wemunhu, tora katanda ukanyore kuti, ‘Katanda kaJudha nevanhu veIsraeri vaainavo.’+ Ubve watora kamwe katanda ukanyore kuti, ‘Katanda kaJosefa, iko katanda kaEfremu, neveimba yese yaIsraeri vaainavo.’+ 17 Ubve watubatanidza kuti tuve katanda kamwe chete muruoko rwako.+ 18 Vanhu vekwako pavachati kwauri, ‘Tiudzewo kuti zvinhu izvi zvinorevei,’ 19 uvaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndichatora katanda kaJosefa kari muruoko rwaEfremu nemadzinza aIsraeri aainawo, uye ndichavabatanidza nekatanda kaJudha; uye ndichaita kuti kave katanda kamwe chete,+ uye vachava vamwe chete muruoko rwangu.”’ 20 Tutanda twauchanyora tunofanira kuva muruoko rwako kuti ivo vatuone.
21 “Uvaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndichatora vaIsraeri kubva kumarudzi avakaenda uye ndichavaunganidza kubva kumativi ese ndovaunza kunyika yavo.+ 22 Ndichaita kuti vave rudzi rumwe chete munyika yacho,+ mumakomo eIsraeri, uye vachatongwa namambo mumwe chete,+ havazorambi vari marudzi maviri; uye havazorambi vari umambo huviri.+ 23 Havazozvisvibisi nezvidhori zvavo zvinosemesa* uye nemabasa avo anonyangadza nekutadza kwavo kwese.+ Ndichaita kuti kusatendeka kwavo kwese kwavakaita vachinditadzira kupere, uye ndichavachenesa. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo.+
24 “‘“Mushumiri wangu Dhavhidhi achava mambo wavo,+ uye vese vachava nemufudzi mumwe chete.+ Vachafamba mumitongo yangu uye vachachengeta mirau yangu yese.+ 25 Vachagara munyika yandakapa mushumiri wangu Jakobho, maigara madzitateguru enyu,+ uye vachagara mairi nekusingaperi,+ ivo nevana vavo nevazukuru vavo;+ uye mushumiri wangu Dhavhidhi achava jinda ravo nekusingaperi.+
26 “‘“Ndichaita sungano yerugare navo;+ ichava sungano inogara nekusingaperi. Ndichavaisa imomo, ndoita kuti vawande,+ ndoita kuti nzvimbo yangu tsvene ive pakati pavo nekusingaperi. 27 Tende rangu richava* pakati* pavo, uye ndichava Mwari wavo ivo vova vanhu vangu.+ 28 Nzvimbo yangu tsvene paichava pakati pavo nekusingaperi, marudzi achaziva kuti ini, Jehovha, ndiri kutsvenesa Israeri.”’”+