Tsamba kuvaHebheru
7 Nekuti Merekizedheki uyu, mambo weSarema, mupristi waMwari Wekumusorosoro, akasangana naAbrahamu achibva kunokunda madzimambo, akamukomborera+ 2 uye Abrahamu akamupa chegumi chezvinhu zvese. Kutanga, zita rake rinoshandurwa richinzi “Mambo Wekururama,” uye ndimambo weSarema, izvo zvinoreva kuti, “Mambo Werugare.” 3 Sezvo akanga asina baba, asina amai, asina dzinza, asina panotangira mazuva ake kana panogumira upenyu hwake, asi akaita seMwanakomana waMwari, iye anoramba ari mupristi nekusingaperi.+
4 Onai kuti murume uyu aiva mukuru sei, uyo tateguru Abrahamu vakapa chegumi chezvinhu zvakanakisisa zvavakanga vapamba.+ 5 Ichokwadi kuti maererano neMutemo, vanakomana vaRevhi+ vaya vanopiwa basa reupristi vane murayiro wekutora zvegumi kuvanhu,+ kuhama dzavo, kunyange zvazvo vanhu ivavo vari vazukuru vaAbrahamu.* 6 Asi murume uyu asina dzinza rakabva kwavari akatora zvegumi kuna Abrahamu, akakomborera uya aiva avimbiswa.+ 7 Saka hapana mubvunzo kuti mudiki anokomborerwa nemukuru. 8 Pamwe pacho, zvegumi zviri kupiwa kuvanhu vanofa, asi pamwe pacho, zviri kupiwa munhu ari kupupurirwa kuti mupenyu.+ 9 Uye tingatoti kunyange Revhi, uyo anogamuchira zvegumi, akabvisawo zvegumi kuburikidza naAbrahamu, 10 nekuti akanga asati aberekwa paya pakasangana tateguru vake naMerekizedheki.+
11 Saka kana vanhu vaiitwa kuti vakwane neupristi hwevaRevhi+ (nekuti hwaiva chimwe chezvinhu zvaiitwa muMutemo wakanga wakapiwa vanhu), paizodirweizve kuti pave nemumwe mupristi akaita saMerekizedheki,+ asina kuita saAroni? 12 Nekuti sezvo upristi huri kuchinjwa, Mutemo wacho unofanirawo kuchinja.+ 13 Nekuti murume ari kutaurwa nezvake aiva werimwe dzinza, risina kana munhu akamboshumira paatari.+ 14 Nekuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kudzinza raJudha,+ asi Mozisi haana kumbotaura kuti paizova nevapristi vanobva kudzinza iroro.
15 Uye izvi zvinobva zvawedzera kujeka panomuka mumwe mupristi+ akafanana naMerekizedheki,+ 16 anova mupristi zvisingabvi pamutemo maererano nedzinza, asi maererano nesimba reupenyu husingagoni kuparadzwa.+ 17 Nekuti anopupurirwa nezvake zvichinzi: “Iwe uri mupristi nekusingaperi sezvakanga zvakaita Merekizedheki.”+
18 Saka murayiro wekare unosiyiwa nekuti hauna simba uye haushandi.+ 19 Nekuti Mutemo hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana,+ asi kuuya kwakaita tariro iri nani+ kwakaita kuti zvinhu zvive zvakakwana. Tariro iyoyo ndiyo inotiswededza pedyo naMwari.+ 20 Uyewo, sezvo izvi zvisina kuitwa pasina mhiko yakapikwa 21 (nekuti zvechokwadi variko vanhu vakava vapristi pasina mhiko yakapikwa, asi uyu akava mupristi pachiita zvekupikwa naiye* akati: “Jehovha* akapika mhiko, uye haazochinji mwoyo,* ‘Iwe uri mupristi nekusingaperi’”),+ 22 Jesu ndiye akava sechibatiso pakaitwa sungano iri nani.+ 23 Uyezve vazhinji vaishanda sevapristi, mumwe achizotsiviwa nemumwe,+ nekuti rufu rwaivatadzisa kuramba varipo, 24 asi sezvo iye achiramba ari mupenyu nekusingaperi,+ hapana anomutsiva semupristi. 25 Saka anokwanisawo kuponesa zvakakwana vaya vanosvika kuna Mwari nekwaari, nekuti anogara ari mupenyu achiteterera kuna Mwari achivamiririra.+
26 Nekuti zvakakodzera kuti tive nemupristi mukuru akadaro, akavimbika, asina mhosva, asina kusvibiswa, akaparadzaniswa nevatadzi,+ uye akakwidziridzwa kupfuura matenga.+ 27 Akasiyana nevapristi vakuru vaya pakuti haafaniri kupa zvibayiro mazuva ese,+ achitanga nezvezvivi zvake pachake, ozopa zvezvivi zvevanhu vese,+ nekuti akazviita kamwe chete zvikabva zvakwana, paya paakazvipira iye pachake.+ 28 Nekuti Mutemo unogadza vanhu vasina simba kuti vave vapristi vakuru,+ asi shoko remhiko+ yakapikwa pashure peMutemo rinogadza Mwanakomana, uyo akaitwa kuti ave akakwana+ nekusingaperi.