2 Madzimambo
19 Zvino Mambo Hezekiya+ paakangozvinzwa, akabva abvarura nguo dzake,+ akapfeka masaga,+ akapinda mumba maJehovha.+ 2 Akatumawo Eriyakimu,+ aitarisira imba, naShebhina+ munyori nevarume vakuru vevapristi vakapfeka masaga kumuprofita Isaya+ mwanakomana waAmozi.+ 3 Zvino vakati kwaari: “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi izuva rokutambudzika+ nerokutukwa+ nerokuvirimirwa;+ nokuti vanakomana vasvika pamuromo wechibereko,+ asi hapana simba rokusununguka.+ 4 Zvichida Jehovha Mwari wenyu achanzwa+ mashoko ose aRabhisheki, akatumwa naishe wake mambo weAsiriya kuti ashore+ Mwari mupenyu, uye achaita kuti azvidavirire nokuda kwemashoko anzwiwa naJehovha Mwari wenyu.+ Nyengetererai+ vaya vakasara+ varipo.’”
5 Naizvozvo vashandi vaMambo Hezekiya vakapinda maiva naIsaya.+ 6 Isaya akabva ati kwavari: “Muti kuna ishe wenyu, ‘Zvanzi naJehovha:+ “Usatya+ mashoko awanzwa andatukwa nawo nevashandi vamambo weAsiriya.+ 7 Tarira ndichaita kuti anetseke,+ achanzwa mashoko+ odzokera kunyika yake; uye ndichaita kuti aurayiwe nebakatwa ari munyika yake.”’”+
8 Pashure paizvozvo Rabhisheki+ akadzoka, akawana mambo weAsiriya achirwa neRibna;+ nokuti akanga anzwa kuti akanga abva kuRakishi.+ 9 Akanzwa zvichinzi nezvaTihaka mambo weItiopiya: “Auya kuzorwa newe.” Naizvozvo akatumazve nhume+ kuna Hezekiya, achiti: 10 “Muti kuna Hezekiya mambo waJudha, ‘Mwari wako wauri kuvimba naye ngaarege kukunyengera,+ achiti: “Jerusarema+ harizoiswi muruoko rwamambo weAsiriya.”+ 11 Tarira! Iwe wakanzwa zvakaitwa nemadzimambo eAsiriya kunyika dzose nokudziparadza+ chose; zvino iwe uchanunurwa here?+ 12 Vanamwari+ vemamwe marudzi akaparadzwa nemadzitateguru angu vakaanunura here, Gozani+ neHarani+ neRezefi nevanakomana vokuEdheni+ vaiva muTeri-asari?+ 13 Ari kupi—iye mambo weHamati,+ mambo weApadhi,+ mambo wemaguta eSefavhaimu, Hena neIvha?’”+
14 Hezekiya akabva atora tsamba yacho muruoko rwenhume, akaiverenga,+ Hezekiya achibva aenda kuimba yaJehovha, akaibhedhenura pamberi paJehovha.+ 15 Hezekiya akatanga kunyengetera+ ari pamberi paJehovha, akati: “Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri,+ agere pamusoro pemakerubhi,+ imi moga ndimi Mwari wechokwadi paumambo+ hwose hwenyika.+ Ndimi makaita matenga+ nenyika.+ 16 Haiwa Jehovha, rerekai nzeve yenyu, munzwe.+ Haiwa Jehovha, svinudzai maziso enyu,+ muone, uye inzwai mashoko aSaniheribhi aatumira kuti ashore+ Mwari mupenyu. 17 Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiriya akaparadza marudzi nenyika yawo.+ 18 Akakanda vanamwari vawo mumoto, nokuti vakanga vasiri vanamwari,+ asi zvinhu zvakagadzirwa nemaoko omunhu,+ danda nedombo; zvokuti akavaparadza. 19 Asi zvino, haiwa Jehovha Mwari wedu,+ tapota, tiponesei+ paruoko rwake, kuti umambo hwose hwenyika huzive kuti imi, haiwa Jehovha, ndimi Mwari moga.”+
20 Zvino Isaya mwanakomana waAmozi akatumira shoko kuna Hezekiya, achiti: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri,+ ‘Ndanzwa kunyengetera+ kwawaita kwandiri pamusoro paSaniheribhi mambo weAsiriya.+ 21 Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha pamusoro pake:
“Mhandara yeZiyoni yakuzvidza,+ yakunyomba.+
Mwanasikana weJerusarema+ adzungudza musoro wake ari shure kwako.+
22 Ndiani wawakashora+ uye wawakatuka?+
Wakashevedzera kuna ani+
Uye unotarira kumusoro nemaziso ako here?+
Wakazviitira Mutsvene waIsraeri!+
23 Wakashora Jehovha uchishandisa nhume+ dzako ukati,+
‘Nengoro dzangu zhinji dzehondo ini+—
Ndichakwira pamusoro penzvimbo dzine makomo,+
Iwo mativi ari kure kwazvo eRebhanoni;+
Ndichatema misidhari yaro mirefu,+ mijunipa yaro yakanaka kwazvo.+
Ndichapinda munzvimbo yaro yarinogara yokupedzisira, iro sango romunda waro wemichero.+
24 Ndichachera tsime ndonwa mvura yokune imwe nyika,
Ndichaomesa migero yose yeIjipiti yorwizi rwaNire netsoka dzangu.’+
25 Hauna kunzwa here?+ Kubvira kunguva yekare ndizvo zvandichaita.+
Ndakatozvironga kubvira pamazuva akapfuura.+
Zvino ndichazviita.+
Uchaita kuti maguta akavakirirwa ave matongo semirwi yezvakaparadzwa.+
26 Maoko evagari vawo achashayiwa simba;+
Vachavhundutswa uye vachanyadziswa.+
Vachafanana nezvinomera zvomusango nouswa huchiri huduku hwakasvibirira,+
Souswa hwepamatenga edzimba+ pahunopiswa nemhepo yokumabvazuva.+
27 Ndinonyatsoziva+ kugara kwako wakanyarara, kubuda kwako+ nokupinda kwako,
Uye kunditsamwira kwako,+
28 Nokuti kunditsamwira kwako+ nokudzvova kwako zvasvika munzeve dzangu.+
Ndichaisa chokukochekera nacho changu mumhino mako nematomu angu pakati pemiromo yako,+
Ndichakudzorera nenzira yawakauya nayo.”+
29 “‘Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri:+ Gore rino muchadya zvinongomera zvoga,+ mugore rechipiri muchadya mahoko; asi mugore rechitatu dyarai mbeu,+ mukohwe, uye dyarai minda yemizambiringa mudye zvibereko zvayo.+ 30 Zvino vaya veimba yaJudha vachapukunyuka, vaya vachasara,+ vachadzika midzi pasi vobereka zvibereko kumusoro.+ 31 Nokuti vachasara vachabuda muJerusarema+ uye vaya vachapukunyuka vachabuda muGomo reZiyoni.+ Kushingaira+ kwaJehovha wemauto kuchazviita.
32 “‘Ndokusaka zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiriya:+ “Haazopindi muguta+ rino uyewo haazopfuri nomuseve+ imomo, kana kunangana naro nenhoo kana kurigadzirira rusvingo rwokurikomba+ narwo. 33 Achadzokera nenzira yaakauya nayo, uye haazopindi muguta rino, ndizvo zvinotaura Jehovha.+ 34 Ndichadzivirira+ guta rino kuti ndiriponese nokuda kwangu+ uye nokuda kwomushumiri wangu Dhavhidhi.”’”+
35 Zvino usiku ihwohwo ngirozi yaJehovha yakaenda, ikauraya zviuru zana nemakumi masere nezvishanu mumusasa+ wevaAsiriya.+ Vanhu pavakafumomuka, vakaona vose vava zvitunha.+ 36 Naizvozvo Saniheribhi+ mambo weAsiriya akabva, akaenda, akadzokera,+ akanogara kuNinivhi.+ 37 Zvino zvaakanga akakotama ari muimba yaNisroki+ mwari wake,+ Adramereki naSharezeri, vanakomana vake, vakamuuraya nebakatwa,+ ivo vakatizira kunyika yeArarati.+ Mwanakomana wake Esari-hadhoni+ akatanga kutonga panzvimbo pake.