Eksodho
34 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Veza mahwendefa maviri ematombo akaita seokutanga,+ ndinyore pamahwendefa acho mashoko aiva pamahwendefa okutanga,+ awakaputsa.+ 2 Gadzirira mangwanani, zvauchakwira muGomo reSinai mangwanani, womira pedyo neni ipapo pamusoro pegomo racho.+ 3 Asi ngaparege kuva neanokwira newe, uyewo ngaparege kuva nomunhu anoonekwa mugomo racho rose.+ Makwai nemombe ngazviregewo kufura pamberi pegomo iroro.”+
4 Naizvozvo Mosesi akaveza mahwendefa maviri ematombo akaita seokutanga uye iye akafumomuka, akakwira muGomo reSinai, sezvaakanga arayirwa naJehovha, uye akanga aine mahwendefa maviri ematombo muruoko rwake. 5 Jehovha akaburuka+ ari mugore, akamira naye ipapo, akadana zita raJehovha.+ 6 Jehovha akapfuura nepamberi pechiso chake achizivisa kuti: “Jehovha, Jehovha, Mwari ane ngoni+ nenyasha,+ anononoka kutsamwa+ uye azere nomutsa worudo,+ nechokwadi,+ 7 anochengetera vane zviuru mutsa worudo,+ anoregerera kukanganisa, kudarika uye chivi,+ asi asingazomboregi kuranga,+ anoranga vanakomana nevazukurukomana nokuda kwokukanganisa kwemadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechizvarwa chechina.”+
8 Mosesi akabva akurumidza kukotama, akagwadama.+ 9 Akabva ati: “Haiwa Jehovha, zvino kana mandinzwira nyasha, ndapota, Jehovha ngaafambe ari pakati pedu,+ nokuti ivo vanhu vane mitsipa yakaoma,+ mutikanganwire kukanganisa kwedu nechivi chedu,+ mutione senhaka yenyu.”+ 10 Iye akatiwo: “Tarira ndiri kuita sungano: Ndichaita zvinhu zvinoshamisa pamberi pevanhu vako vose, zvisati zvamboitwa panyika pose kana pakati pemamwe marudzi ose;+ vanhu vose vauri pakati pavo vachaona basa raJehovha, nokuti chinhu chandichaita ndichikushandisa chinotyisa.+
11 “Zvino iwe chengeta zvandiri kukurayira nhasi.+ Tarira ndichadzinga vaAmori nevaKenani nevaHiti nevaPerizi nevaHivhi nevaJebhusi pamberi pako.+ 12 Chenjerera kuti usaita sungano nevagari vomunyika yauri kuenda kwairi,+ kuti irege kuva musungo kwauri.+ 13 Asi muputse atari dzavo, muputse shongwe dzavo tsvene, uye muteme matanda avo matsvene.+ 14 Nokuti haufaniri kugwadamira mumwe mwari,+ nokuti Jehovha, ane zita rokuti Ane Godo, ndiMwari ane godo;+ 15 kuti urege kuita sungano nevagari vomunyika yacho, nokuti vachaita unzenza navanamwari vavo,+ vobayira zvibayiro kuna vanamwari vavo,+ uye mumwe achakukoka, wodya zvimwe pachibayiro chake.+ 16 Iwe uchabva watorera vanakomana vako vamwe vanasikana vavo,+ uye vanasikana vavo vachaita unzenza navanamwari vavo, voita kuti vanakomana vako vaite unzenza navanamwari vavo.+
17 “Usazvigadzirira vanamwari vezvidhori zvakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa.+
18 “Unofanira kuchengeta mutambo wemakeke asina kuviriswa.+ Udye makeke asina kuviriswa, sezvandakakurayira, kwemazuva manomwe panguva yakatarwa mumwedzi waAbhibhi,+ nokuti wakabuda muIjipiti mumwedzi waAbhibhi.
19 “Zvose zvinotanga kuvhura chibereko ndezvangu,+ uye pazvipfuwo zvako zvose, nzombe yokutanga negondohwe rokutanga ndezvangu.+ 20 Unofanira kudzikinura mwana wokutanga wembongoro uchishandisa gwai.+ Asi kana usingazomudzikinuri, unofanira kubva watyora mutsipa wake. Unofanira kudzikinura matangwe ose evanakomana vako.+Ngavarege kuuya pamberi pangu vasina chinhu.+
21 “Unofanira kushanda mazuva matanhatu, asi uchengete sabata pazuva rechinomwe.+ Uchengete sabata munguva yokurima nomunguva yokukohwa.+
22 “Uite mutambo wako wemavhiki nezvibereko zvinotanga kuibva zvegoho regorosi,+ nomutambo wokuunganidza pakupera kwegore.+
23 “Vanhurume vako vose ngavauye+ pamberi paIshe wechokwadi, Jehovha, Mwari waIsraeri, katatu pagore. 24 Nokuti ndichadzinga marudzi pamberi pako,+ ndichakudza nharaunda yako;+ uye hapana munhu achachiva nyika yako paunenge uchienda kunoona chiso chaJehovha Mwari wako katatu pagore.+
25 “Usabayira ropa rechibayiro changu pamwe chete nezvinhu zvakaiswa mbiriso.+ Chibayiro chomutambo wepaseka hachifaniri kurara kusvikira mangwanani.+
26 “Unofanira kuuya nezvibereko zvomunda wako zvakanaka kwazvo zvinotanga kuibva+ kuimba yaJehovha Mwari wako.+
“Usabika mbudzana nomukaka waamai vayo.”+
27 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Nyora mashoko aya,+ nokuti ndinoita sungano newe naIsraeri maererano nemashoko aya.”+ 28 Iye akaramba ari ikoko naJehovha kwemazuva makumi mana nousiku makumi mana. Haana kudya zvokudya uye haana kunwa mvura.+ Akanyora mashoko esungano yacho pamahwendefa, iwo Mashoko Gumi.+
29 Zvino Mosesi paakaburuka muGomo reSinai, mahwendefa maviri eChipupuriro aiva muruoko rwaMosesi paakaburuka mugomo racho,+ asi Mosesi haana kuziva kuti ganda rechiso chake raipenya nokuda kwokutaura naye kwaakanga aita.+ 30 Aroni nevanakomana vose vaIsraeri pavakaona Mosesi, vakaona ganda rechiso chake richipenya, vakatya kuswedera pedyo naye.+
31 Zvino Mosesi akavashevedza. Naizvozvo Aroni nemachinda ose eungano vakadzoka kwaari, Mosesi akataura navo. 32 Pashure paizvozvo, vanakomana vose vaIsraeri vakaswedera pedyo naye, akavarayira zvose zvaakanga audzwa naJehovha muGomo reSinai.+ 33 Mosesi paaipedza kutaura navo, aiisa chifukidziro pachiso chake.+ 34 Asi Mosesi paaienda pamberi paJehovha kunotaura naye, aibvisa chifukidziro chacho kusvikira abuda.+ Aibuda otaura nevanakomana vaIsraeri zvaairayirwa.+ 35 Vanakomana vaIsraeri pavaiona chiso chaMosesi, kuti ganda rechiso chaMosesi riri kupenya;+ Mosesi aidzorera chifukidziro pachiso chake kusvikira apinda kuti anotaura naye.+