Hosiya
13 “Efremu paaitaura, kudedera kwaivapo; iye aiva munhu aikudzwa pakati paIsraeri.+ Asi akava nemhosva ine chokuita naBhaari,+ akabva afa.+ 2 Zvino vanowedzera kutadza, vozvigadzirira mufananidzo wakaumbwa nesirivha yavo yakanyungudutswa,+ zvidhori zvinoenderana nokunzwisisa kwavo,+ zvose zvazvo zviri basa remhizha.+ Ivo vanoti kwazviri, ‘Vanhu vanobayira ngavatsvode mhuruwo zvadzo.’+ 3 Naizvozvo vachaita semakore emangwanani+ uye sedova rinokurumidza kunyangarika; sehundi inopeperetswa nedutu ichibviswa paburiro+ uye soutsi hunobuda paburi redenga reimba.
4 “Asi ini ndini Jehovha Mwari wako kubvira uchiri munyika yeIjipiti,+ kwakanga kusina mumwe Mwari wawaiziva kunze kwangu; uye kwakanga kusina mumwe muponesi kunze kwangu.+ 5 Ini ndakakuziva uri murenje,+ uri munyika yehosha.+ 6 Vakagutswawo zvaienderana nemafuro avo.+ Vakagutswa, mwoyo yavo ikatanga kuzvikwidziridza.+ Ndokusaka vakandikanganwa.+ 7 Ndichaita somwana weshumba kwavari.+ Ndicharamba ndakatarira seingwe iri pedyo nenzira.+ 8 Ndichavarwisa sezvinoita mhuka inonzi bheya yarasa vana vayo,+ ndichatsemura zvakavhariridza mwoyo yavo. Ndichavadya sezvinoita shumba;+ chikara chichavabvambura-bvambura.+ 9 Haiwa iwe Israeri, chichakuparadza+ nokuti wakarwa neni, wakarwa nomubatsiri wako.+
10 “Ko zvino, mambo wako ari kupi, kuti akuponese mumaguta ako ose,+ nevatongi vako, vaya vawaiti, ‘Ndipei mambo nemachinda’?+ 11 Ndakakupa mambo ndakatsamwa,+ uye ndichamubvisa ndakashatirwa kwazvo.+
12 “Kukanganisa kwaEfremu kwakaputirwa pamwe chete, chivi chake chakachengetwa.+ 13 Kurwadziwa kwomukadzi ari kusununguka ndiko kuchauya kwaari.+ Iye mwanakomana asina kuchenjera,+ nokuti kana nguva yakwana haazorambi aripo, vanakomana pavanobuda muchibereko.+
14 “Ndichavadzikinura pasimba reSheori;+ ndichavanunura parufu.+ Haiwa iwe Rufu, kuruma kwako kuripi?+ Haiwa iwe Sheori, kuparadza kwako kuripi?+ Kunzwira tsitsi kuchavanzwa kuti maziso angu arege kukuona.+
15 “Kunyange kana iye akabereka+ sezvinoita tsanga, mhepo inobva kumabvazuva, iyo mhepo yaJehovha, ichauya.+ Ichauya ichibva kurenje, uye ichaomesa tsime rake yoita kuti chitubu chake chipwe.+ Iyeye achapamba pfuma yezvinhu zvose zvakanaka.+
16 “Samariya richava nemhosva,+ nokuti rinopandukira Mwari waro.+ Vachaurayiwa nebakatwa.+ Vana vavo vachaputsirwa pasi,+ uye vakadzi vavo vane pamuviri vachatumburwa.”+