Mateu
10 Naizvozvo akashevedza vadzidzi vake vane gumi nevaviri, akavapa simba pamusoro pemidzimu isina kuchena,+ kuti vaidzinge uye kuti varape hosha dzemarudzi ose noundonda hwemarudzi ose.
2 Mazita evaapostora vane gumi nevaviri+ ndeaya:+ Wokutanga, Simoni, uya ainzi Petro,+ naAndreya+ munun’una wake; naJakobho mwanakomana waZebhedhi+ naJohani munun’una wake; 3 Firipi naBhatoromeyo;+ Tomasi+ naMateu+ muteresi; Jakobho mwanakomana waArifiyosi,+ naTadhiyosi; 4 Simoni muKenani,+ naJudhasi Iskariyoti, uya akazomutengesa.+
5 Jesu akatuma ava vane gumi nevaviri, achivapa mirayiro iyi:+ “Musapinda mumugwagwa wemamwe marudzi, uye musapinda muguta revaSamariya;+ 6 asi, panzvimbo paizvozvo, rambai muchienda kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.+ 7 Pamunenge muchienda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’+ 8 Rapai vanhu vanorwara,+ mutsai vanhu vakafa, chenesai vane maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pachena, ipai pachena.+ 9 Musatora ndarama kana sirivha kana mhangura yokuisa muzvikwama zvenyu zvinosungirwa pabhandi,+ 10 kana homwe yezvokudya zvorwendo, kana nguo mbiri dzomukati, kana hwashu kana mudonzvo; nokuti mushandi akakodzera kuwana zvokudya zvake.+
11 “Muguta rose kana musha wamunopinda, tsvakai mariri munhu akakodzera, mugare imomo kusvikira mava kubva.+ 12 Pamunenge muchipinda mumba, kwazisai imba yacho; 13 uye kana imba yacho yakakodzera, rugare rwamunoishuvira ngaruuye pairi;+ asi kana isina kukodzera, rugare runobva kwamuri ngarudzokere kwamuri. 14 Kwose kusina munhu anokupinzai mukati kana kuteerera mashoko enyu, pamunobuda muimba iyoyo kana muguta iroro, zunzai guruva riri patsoka dzenyu.+ 15 Chokwadi ndinoti kwamuri, Nyika yeSodhoma+ neGomora ichagona kutsungirira kwazvo paZuva Rokutongwa kupfuura guta iroro.+
16 “Tarirai! Ndiri kukutumai semakwai ari pakati pemhumhi;+ naizvozvo ivai vakachenjera senyoka+ asi musina mhosva senjiva.+ 17 Chenjererai vanhu;+ nokuti vachakuisai kumatare omunzvimbo imomo,+ uye vachakuzvamburai+ mumasinagogi avo.+ 18 Chokwadi, muchamanikidzwa kuenda pamberi pemagavhuna nemadzimambo+ nokuda kwangu, kuti zvive uchapupu+ kwavari uye kune mamwe marudzi. 19 Zvisinei, pavanokuendesai kumatare, musazvidya mwoyo pamusoro pematauriro amuchaita kana zvamuchataura; nokuti muchapiwa zvamuchataura muawa iyoyo;+ 20 nokuti hamusi imi moga munenge muchitaura, asi mudzimu waBaba venyu ndiwo uchange uchitaura uchikushandisai.+ 21 Uyezve, mukoma+ achaita kuti munun’una aurayiwe, baba mwana wavo, uye vana vachamukira vabereki uye vachaita kuti vaurayiwe.+ 22 Muchavengwa nevanhu vose nokuda kwezita rangu;+ asi anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.+ 23 Pavanokutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe;+ nokuti chokwadi ndinoti kwamuri, Hamungambopedzi kutenderera+ maguta aIsraeri Mwanakomana womunhu asati asvika.+
24 “Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, uyewo muranda haapfuuri ishe wake.+ 25 Zvakakodzera kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake, uye muranda saishe wake.+ Kana vanhu vakashevedza muridzi weimba kuti Bherizebhubhu,+ vachadaro zvikuru sei kune vaya veimba yake? 26 Naizvozvo musavatya; nokuti hapana chinhu chakafukidzwa chisingazofukurwi, uye chakavanzika chisingazozivikanwi.+ 27 Zvandinokuudzai murima, taurai muchiedza; uye zvamunonzwa zvichiitwa zevezeve, paridzai muri pamusoro pedzimba.+ 28 Musatya+ vaya vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya; asi ityai iye+ anogona kuparadza mweya nomuviri muGehena.+ 29 Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari isingakoshi here?+ Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi.+ 30 Asi imi kunyange bvudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.+ 31 Naizvozvo musatya: imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.+
32 “Saka, munhu wose anobvuma kuti ari pamwe neni pamberi pevanhu, iniwo ndichabvuma kuti ndiri pamwe+ naye pamberi paBaba vangu vari kumatenga; 33 asi munhu wose anondiramba pamberi pevanhu, iniwo ndichamuramba+ pamberi paBaba vangu vari kumatenga. 34 Musafunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika; handina kuuya kuzounza rugare,+ asi bakatwa. 35 Nokuti ndakauya kuzoita kuti pave nokupesana, pakati pomwanakomana nababa vake, mwanasikana naamai vake, uye muroora navamwene vake.+ 36 Chokwadi, vavengi vomunhu vachava vanhu veimba yake. 37 Uya anoda baba kana amai kwazvo kupfuura ini, haana kukodzera ini; uye anoda mwanakomana kana mwanasikana kwazvo kupfuura ini, haana kukodzera ini.+ 38 Munhu wose asingagamuchiri danda rake rokutambudzikira akanditevera haana kukodzera ini.+ 39 Uya anowana mweya wake acharasikirwa nawo, uye anorasikirwa nomweya wake nokuda kwangu achauwana.+
40 “Uya anokugamuchirai anondigamuchirawo, uye anondigamuchira anogamuchirawo iye akandituma.+ 41 Uya anogamuchira muprofita nokuti muprofita achawana mubayiro womuprofita,+ uye anogamuchira munhu akarurama nokuti munhu akarurama achawana mubayiro womunhu akarurama.+ 42 Munhu wose anopa mumwe wevaduku ava kapu chete yemvura inotonhorera kuti anwe nokuti iye mudzidzi, chokwadi ndinokuudzai, haazomborasikirwi nomubayiro wake.”+