1 VaKorinde
6 Kana mumwe wenyu aine mhosva+ nomumwe angatsunga kuenda kudare pamberi pevanhu vasina kururama,+ asingaendi pamberi pevatsvene here?+ 2 Kana kuti hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga+ nyika?+ Zvino kana nyika ichizotongwa nemi, hamuna kukodzera kutonga nyaya dukuduku+ here? 3 Hamuzivi here kuti tichatonga ngirozi?+ Saka munoregererei kutonga nyaya dzoupenyu huno? 4 Zvino, kana muine nyaya dzoupenyu huno dzinofanira kutongwa,+ nei muchiita kuti vanhu vanozvidzwa neungano vave vatongi?+ 5 Ndiri kuzvitaurira kuti munyare.+ Ichokwadi here kuti hapana kana munhu mumwe chete akachenjera+ pakati penyu achakwanisa kutonga achienzanisa hama dzake, 6 asi hama inoenda kudare nehama, uye inoita izvozvo pamberi pevasingatendi?+
7 Saka zvinoreva kuti makundikana zvachose zvamuri kumhan’arirana.+ Nei musingasvi henyu mabvuma kuitirwa zvakaipa?+ Nei musingasvi henyu mabvuma kubiridzirwa?+ 8 Asi, munoita zvakaipa uye munobiridzira, muchiitira izvozvo hama dzenyu.+
9 Chii! Hamuzivi here kuti vanhu vasina kururama havazogari nhaka youmambo hwaMwari?+ Musatsauswa. Zvifeve,+ kana vanonamata zvidhori,+ kana mhombwe,+ kana varume vanochengeterwa kuita zvinhu zvisiri zvomusikirwo,+ kana varume vanorara nevarume,+ 10 kana mbavha, kana vanhu vanokara,+ kana zvidhakwa,+ kana vanotuka, kana makororo havazogari nhaka youmambo hwaMwari.+ 11 Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita.+ Asi makagezwa mukachena,+ asi makatsveneswa,+ asi makanzi makarurama+ muzita raShe wedu Jesu Kristu+ uye nomudzimu waMwari wedu.+
12 Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo kwandiri; asi hazvisi zvinhu zvose zvinobatsira.+ Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo+ kwandiri; asi handizozviregi ndichidzorwa nechimwe chinhu.+ 13 Zvokudya ndezvedumbu, uye dumbu nderezvokudya;+ asi Mwari achaparadza iro pamwe chete nazvo.+ Zvino muviri hausi woufeve, asi waShe;+ uye Ishe ndewomuviri.+ 14 Asi Mwari akamutsa Ishe+ uye achatimutsa murufu+ nesimba rake.+
15 Hamuzivi here kuti miviri yenyu inhengo+ dzaKristu?+ Saka, ndichatora nhengo dzaKristu ndoita kuti dzive nhengo dzehure here?+ Izvozvo ngazvirege kumboitika! 16 Chii! Hamuzivi here kuti uyo anobatanidzwa nehure muviri mumwe chete? Nokuti, “Vaviri,” iye anodaro, “vachava nyama imwe.”+ 17 Asi uyo akabatanidzwa naShe mudzimu+ mumwe chete.+ 18 Tizai ufeve.+ Chimwe chivi chose chingaitwa nomunhu chiri kunze kwomuviri wake, asi ane tsika yokuita ufeve ari kutadzira muviri wake pachake.+ 19 Chii! Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi+ yomudzimu mutsvene uri mukati menyu,+ wamakawana kubva kuna Mwari? Uyewo, hamusi venyu pachenyu,+ 20 nokuti makatengwa nomutengo.+ Nepazvinobvira napo, kudzai Mwari+ mumiviri+ yenyu.