1 Timoti
1 Pauro, muapostora+ waKristu Jesu akarayirwa naMwari+ Muponesi+ wedu naKristu Jesu, tariro+ yedu, 2 kuna Timoti,+ mwana chaiye+ mukutenda:
Mutsa usina kukodzera kuwanwa, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Kristu Jesu Ishe wedu ngazvive newe.+
3 Sezvandakakukurudzira kuti ugare muEfeso pandakanga ndava kuda kuenda kuMakedhoniya,+ ndinodarowo zvino, kuti urayire+ vamwe kuti varege kudzidzisa imwe dzidziso,+ 4 kana kuteerera ngano+ nenyaya dzemadzinza, zvisina zvazvinobatsira,+ asi zvinomutsa mibvunzo yokutsvakurudza panzvimbo pokugovera zvinhu zvinobva kuna Mwari pamusoro pokutenda. 5 Vavariro yomurayiro uyu rudo+ runobva mumwoyo wakachena+ nomuhana yakanaka+ nepakutenda kusina unyengeri.+ 6 Vachitsauka pazvinhu izvi, vamwe vakatsauswa,+ vakataura zvisina zvazvinobatsira,+ 7 vachida kuva vadzidzisi+ vomutemo,+ asi vasinganzwisisi zvinhu zvavari kutaura kana zvinhu zvavanotaura zvakasimba pamusoro pazvo.
8 Zvino tava kuziva kuti Mutemo wakanaka+ chero bedzi munhu achiita zvaunoda maererano nomutemo,+ 9 achiziva chinhu ichi, kuti mutemo hauitirwi munhu akarurama, asi vanhu vasingateereri mutemo+ nevasingadzoreki,+ vasingadi Mwari nevatadzi, vasina mutsa worudo,+ vanomhura, vanoponda vanababa uye vanoponda vanaamai, vanouraya vamwe vanhu, 10 zvifeve,+ varume vanorara nevarume, vanoba vanhu, vanoreva nhema, vanopika zvenhema,+ uye zvinhu zvose zvinopesana+ nokudzidzisa kunopa utano+ 11 maererano nemashoko akanaka anokudzwa aMwari anofara,+ andakaronzeswa.+
12 Ndinoonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, nokuti akaona kuti ndakatendeka+ nokundipa ushumiri,+ 13 kunyange zvazvo kare ndaiva munhu anomhura nomutambudzi+ nomunhu aiita zvakaipa.+ Kunyange zvakadaro, ndakanzwirwa ngoni,+ nokuti ndakanga ndisingazivi+ uye ndakazviita ndisina kutenda. 14 Asi mutsa usina kukodzera kuwanwa waShe wedu wakava mukuru kwazvo+ pamwe chete nokutenda norudo ruri muna Kristu Jesu.+ 15 Shoko+ rokuti Kristu Jesu akauya munyika kuzoponesa vatadzi+ rakatendeka uye rinofanira kugamuchirwa kwazvo. Ini ndiri mukuru pana ivava.+ 16 Kunyange zvakadaro, chakaita kuti ini ndinzwirwe ngoni+ ndechokuti, Kristu Jesu, achishandisa ini somuenzaniso mukuru, aratidze mwoyo murefu wake wose kuti ape muenzaniso vaya vachaisa kutenda kwavo+ paari kuti vawane upenyu husingaperi.+
17 Zvino kuna Mambo asingagumi,+ asingaori,+ asingaoneki,+ iye Mwari oga,+ ngakuve nokuremekedzwa nokukudzwa nokusingaperi-peri.+ Ameni.
18 Ndinokupa murayiro+ uyu, iwe mwana, Timoti, maererano nezvakafanotaurwa+ pamusoro pako, kuti naizvozvi urambe uchirwa hondo yakanaka;+ 19 uine kutenda nehana yakanaka,+ iyo yakaraswa nevamwe,+ kutenda kwavo kukaparara sengarava yaparara.+ 20 Himeniyo+ naArekizanda+ ndivo vamwe vaivava, uye ndakavaisa kuna Satani+ kuti vadzidziswe vachiita zvokurangwa kuti varege kumhura.+