Genesisi 22:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 chokwadi ndichakukomborera uye ndichaita kuti vana* vako vave vazhinji senyeredzi dzokumatenga, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa;+ uye vana vako vachaita kuti gedhi revavengi vavo rive ravo.+ Jakobho 4:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Imi mhombwekadzi,+ hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari?+ Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwari+ yenyika anozviita muvengi waMwari.+ Judha 9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Asi Mikaeri+ ngirozi huru+ paakapesana naDhiyabhorosi uye achiita nharo+ pamusoro pomutumbi waMosesi,+ haana zvake kuda kumutonga nemashoko okutuka,+ asi akati: “Jehovha ngaakutsiure.”+ Zvakazarurwa 12:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Zvino hondo yakavapo mudenga: Mikaeri+ nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni, dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa Zvakazarurwa 12:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Dhiragoni yakaitira mukadzi hasha,+ ikaenda kunorwa nevana vake vakanga vasara, vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira+ Jesu.
17 chokwadi ndichakukomborera uye ndichaita kuti vana* vako vave vazhinji senyeredzi dzokumatenga, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa;+ uye vana vako vachaita kuti gedhi revavengi vavo rive ravo.+
4 Imi mhombwekadzi,+ hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari?+ Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwari+ yenyika anozviita muvengi waMwari.+
9 Asi Mikaeri+ ngirozi huru+ paakapesana naDhiyabhorosi uye achiita nharo+ pamusoro pomutumbi waMosesi,+ haana zvake kuda kumutonga nemashoko okutuka,+ asi akati: “Jehovha ngaakutsiure.”+
7 Zvino hondo yakavapo mudenga: Mikaeri+ nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni, dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa
17 Dhiragoni yakaitira mukadzi hasha,+ ikaenda kunorwa nevana vake vakanga vasara, vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira+ Jesu.