Zvakazarurwa
12 Zvino chiratidzo chikuru+ chakaonekwa kudenga, mukadzi+ akanga akashonga zuva, uye mwedzi wakanga uri pasi petsoka dzake, mumusoro make makanga muine korona yenyeredzi gumi nembiri, 2 uye akanga aine pamuviri. Akachema paairwadziwa+ uye paaigomera kuti asununguke.
3 Chimwe chiratidzo chakaonekwa kudenga, uye, tarira! paiva nedhiragoni+ huru tsvuku, yakanga ine misoro minomwe nenyanga gumi uye pamisoro yayo pakanga paine korona nomwe; 4 muswe+ wayo wakakweva chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu+ zvenyeredzi dzokudenga, uye wakadzikanda panyika.+ Dhiragoni yakaramba imire pamberi pomukadzi+ akanga ava kuda kusununguka,+ kuti paanenge asununguka, idye+ mwana wake.
5 Iye akasununguka mwanakomana,+ munhurume, achafudza marudzi ose netsvimbo yesimbi.+ Mwana wake akatorwa, akaendeswa kuna Mwari nokuchigaro chake choumambo.+ 6 Mukadzi wacho akatizira kurenje,+ kwaaine nzvimbo yaakagadzirirwa naMwari, kuti vamupe zvokudya+ ikoko mazuva ane chiuru nemazana maviri nemakumi matanhatu.+
7 Zvino hondo yakavapo mudenga: Mikaeri+ nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni, dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa 8 asi haina kukunda, uyewo nzvimbo yavo haina kuzombowanikazve kudenga. 9 Naizvozvo dhiragoni+ huru yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga,+ iyo inonzi Dhiyabhorosi+ uye Satani,+ ari kutsausa nyika yose inogarwa;+ akakandwa panyika,+ uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye. 10 Ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti:
“Zvino ruponeso+ rwazoitika nesimba+ noumambo hwaMwari+ wedu nechiremera chaKristu+ wake, nokuti anopomera hama dzedu akandwa pasi, anodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari+ wedu! 11 Vakamukunda+ nokuda kweropa reGwayana+ uye nokuda kweshoko ravaipupura+ nezvaro, uye havana kuda mweya+ yavo kunyange pakutarisana norufu. 12 Saka farai, imi matenga nemi munogara maari!+ Mune nhamo+ imi nyika negungwa,+ nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”+
13 Zvino dhiragoni payakaona kuti yakandwa panyika,+ yakatambudza mukadzi+ uya akasununguka mwanakomana. 14 Asi mukadzi uyu akapiwa mapapiro maviri egondo guru,+ kuti abhururukire kurenje+ kunzvimbo yake; ikoko ndiko kwaanopiwa zvokudya+ kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva+ kure nenyoka.+
15 Zvino nyoka yakabudisa mvura+ yakaita sorwizi mumuromo mayo ichitevera mukadzi, kuti anyudzwe norwizi rwacho.+ 16 Asi nyika yakabatsira mukadzi,+ uye nyika yakashama muromo wayo ikamedza rwizi urwo dhiragoni yakanga yabudisa mumuromo mayo. 17 Dhiragoni yakaitira mukadzi hasha,+ ikaenda kunorwa nevana vake vakanga vasara, vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira+ Jesu.