RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Numeri 14:9
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 9 Musangopandukira Jehovha;+ uye regai kutya vanhu vomunyika yacho,+ nokuti ivo kudya kwedu. Chinodzivirira chavo chabva pamusoro pavo,+ uye Jehovha anesu.+ Regai kuvatya.”+

  • Dheuteronomi 20:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Anofanira kuti kwavari, ‘Haiwa imi vaIsraeri, inzwai, muri kuswedera pedyo nhasi kuti murwe nevavengi venyu. Mwoyo yenyu ngairege kutya.+ Musatya momhanya mavhunduka kana kuvadedera,+

  • 2 Makoronike 20:15
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 15 Naizvozvo akati: “Teererai, imi vaJudha vose nemi vagari vomuJerusarema naMambo Jehoshafati! Zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya+ kana kuvhundutswa neboka iri guru revanhu; nokuti kurwa hakusi kwenyu, asi ndokwaMwari.+

  • Pisarema 27:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 27 Jehovha ndiye chiedza+ changu noruponeso rwangu.+

      Ndingatya aniko?+

      Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu.+

      Ndingadedereswa naaniko?+

  • Pisarema 46:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 46 Mwari ndiye nzvimbo yedu yokupotera nesimba redu,+

      Rubatsiro runowanika zviri nyore pakutambudzika.+

  • Isaya 41:10
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 10 Usatya, nokuti ndinewe.+ Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako.+ Ndichakusimbisa.+ Chokwadi ndichakubatsira.+ Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi+ rwokururama.’+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe