Eksodho 8:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Zvisinei, vapristi vaiita zvemashiripiti vakaitawo saizvozvo nemashiripiti avo akavanzika, vakaita kuti matatya abude achiuya panyika yeIjipiti.+ Dheuteronomi 18:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu anopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto,+ munhu anoshopera,+ anoita zvemashiripiti+ kana munhu anotenda mashura+ kana muroyi,+ 2 Madzimambo 21:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Akapinza mwanakomana wake mumoto,+ uye akaita zvemashiripiti,+ akatenda mashura, akagadza masvikiro+ nevafemberi.+ Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, kuti amugumbure. VaGaratiya 5:20 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 20 kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu,+ kuvengana, kupopotedzana, godo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana, kupesana, kuita tumapoka, Zvakazarurwa 21:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Asi kana dziri mbwende nevaya vasina kutenda+ nevanonyangadza mutsvina yavo+ nemhondi+ nezvifeve+ nevaya vanoita zvemidzimu nevanonamata zvidhori+ nevarevi venhema+ vose, mugove wavo uchava mugungwa rinopfuta moto+ nesarufa.+ Iri rinomirira rufu rwechipiri.”+
7 Zvisinei, vapristi vaiita zvemashiripiti vakaitawo saizvozvo nemashiripiti avo akavanzika, vakaita kuti matatya abude achiuya panyika yeIjipiti.+
10 Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu anopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto,+ munhu anoshopera,+ anoita zvemashiripiti+ kana munhu anotenda mashura+ kana muroyi,+
6 Akapinza mwanakomana wake mumoto,+ uye akaita zvemashiripiti,+ akatenda mashura, akagadza masvikiro+ nevafemberi.+ Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, kuti amugumbure.
20 kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu,+ kuvengana, kupopotedzana, godo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana, kupesana, kuita tumapoka,
8 Asi kana dziri mbwende nevaya vasina kutenda+ nevanonyangadza mutsvina yavo+ nemhondi+ nezvifeve+ nevaya vanoita zvemidzimu nevanonamata zvidhori+ nevarevi venhema+ vose, mugove wavo uchava mugungwa rinopfuta moto+ nesarufa.+ Iri rinomirira rufu rwechipiri.”+