Dheuteronomi
18 “Vapristi, ivo vaRevhi, dzinza rose raRevhi, havafaniri kuva nomugove kana nhaka pamwe chete naIsraeri.+ Vanofanira kudya zvinopiwa zvinopisirwa Jehovha nomoto, iyo nhaka yake.+ 2 Naizvozvo haafaniri kuva nenhaka pakati pehama dzake. Jehovha ndiye nhaka yake,+ sezvaakataura kwaari.
3 “Zvino izvi ndizvo zvinofanira kuramba zvichiitirwa vapristi nevanhu, vaya vanobayira chibayiro, ingava mombe kana kuti gwai: Munhu anofanira kupa mupristi bandauko neshaya nesusu. 4 Unofanira kumupa zviyo zvako zvokutanga, waini yako itsva nemafuta ako nemvere dzinotanga kuveurwa pamakwai ako.+ 5 Nokuti ndiye akasarudzwa naJehovha Mwari wako pamadzinza ako ose kuti amire, ashumire achishandisa zita raJehovha, iye nevanakomana vake, nguva dzose.+
6 “Zvino kana muRevhi akabuda mune rimwe remaguta ako aIsraeri wose, maakanga agara kwenguva yakati,+ akazouya kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha+ nokuti mweya wake unenge uine zvaunopanga, 7 anofanirawo kushumira nezita raJehovha Mwari wake sezvinongoitawo hama dzake dzose, ivo vaRevhi, vamire ipapo pamberi paJehovha.+ 8 Anofanira kudya mugove wakaenzana,+ tisingabatanidzi zvaanowana pazvinhu zvemadzitateguru ake zvaanotengesa.
9 “Paunenge wapinda munyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako, usadzidza kuita maererano nezvinhu zvinosemesa zvemarudzi iwayo.+ 10 Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu anopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto,+ munhu anoshopera,+ anoita zvemashiripiti+ kana munhu anotenda mashura+ kana muroyi,+ 11 kana munhu anotsinga vamwe nezvitsinga,+ kana anobvunza svikiro,+ kana vafemberi,+ kana anobvunza vakafa.+ 12 Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha, uye Jehovha Mwari wako achavadzinga pamberi pako nokuda kwezvinhu izvi zvinosemesa.+ 13 Unofanira kuva asina mhosva kuna Jehovha Mwari wako.+
14 “Nokuti marudzi aya auchadzinga aiteerera vaya vanoita zvemashiripiti+ nevaya vanoshopera;+ asi iwe, Jehovha Mwari wako haana kukupa chero chinhu chipi zvacho chakaita seichi.+ 15 Jehovha Mwari wako achakumutsira muprofita anobva pakati pako, pakati pehama dzako, akaita seni—imi munofanira kumuteerera+— 16 maererano nezvose zvawakakumbira Jehovha Mwari wako kuHorebhi pazuva reungano,+ uchiti, ‘Musaita kuti ndinzwe zvakare inzwi raJehovha Mwari wangu, uye musaita kuti ndionezve moto uyu mukuru, kuti ndirege kufa.’+ 17 Jehovha akabva ati kwandiri, ‘Vaita zvakanaka nokutaura kwavaita.+ 18 Ndichavamutsira muprofita anobva pakati pehama dzavo, akaita sewe;+ ndichaisa mashoko angu mumuromo make,+ uye achataura navo zvose zvandichamurayira.+ 19 Munhu asingazoteereri mashoko angu aachataura nezita rangu, ndichaita kuti iye azvidavirire.+
20 “‘Zvisinei, muprofita anozvikudza achitaura shoko randisina kumurayira kuti ataure achishandisa zita rangu+ kana anotaura nezita revamwe vanamwari,+ muprofita iyeye anofanira kufa.+ 21 Kana ukati mumwoyo mako: “Tichaziva sei shoko risina kutaurwa naJehovha?”+ 22 kana muprofita wacho akataura achishandisa zita raJehovha, shoko racho rikasaitika kana kuva rechokwadi, iroro ndiro shoko risina kutaurwa naJehovha. Muprofita wacho akaritaura nokuzvikudza.+ Haufaniri kumutya.’+