2 Samueri 23:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Zvinobva zvaita sechiedza chemangwanani, panopenya zuva,+Mangwanani asina makore.Uswa hunobudiswa panyika nechiedza uye nemvura.’+ Pisarema 97:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Chiedza chakabudira munhu akarurama,+Uye kufara kwakabudira vane mwoyo yakarurama.+ Pisarema 119:105 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 105 Shoko renyu irambi retsoka dzangu,+Nechiedza panzira yangu.+ Dhanieri 12:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 “Asi iwe Dhanieri, vanza mashoko acho uname bhuku racho,+ kusvikira kunguva yokuguma.+ Vazhinji vachamhanya-mhanya, uye zivo yechokwadi ichawanda.”+ Mateu 5:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 “Imi muri chiedza chenyika.+ Guta harigoni kuvanzwa kana riri pamusoro pegomo. 1 VaKorinde 13:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 Nokuti panguva ino tinoonera mumadzerere negirazi resimbi,+ asi panguva iyoyo tichaonana chiso nechiso.+ Panguva ino ndinoziva zvisina kukwana, asi panguva iyoyo ndichaziva zvakarurama sokuzivikanwa zvakarurama kwandinoitwa.+ 2 VaKorinde 4:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Nokuti Mwari ndiye akati: “Chiedza ngachipenye murima,”+ uye akapenyera pamwoyo yedu kuti aivhenekere+ nezivo inobwinya+ pamusoro paMwari nechiso chaKristu.+ 2 Petro 1:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 Naizvozvo tine shoko rouprofita+ rakaitwa kuti rive rechokwadi kwazvo;+ uye muri kuita zvakanaka kuriteerera serambi+ rinopenya munzvimbo ine rima, imo mumwoyo menyu, kusvikira ava mambakwedza uye nyamasase+ ichibuda.
4 Zvinobva zvaita sechiedza chemangwanani, panopenya zuva,+Mangwanani asina makore.Uswa hunobudiswa panyika nechiedza uye nemvura.’+
4 “Asi iwe Dhanieri, vanza mashoko acho uname bhuku racho,+ kusvikira kunguva yokuguma.+ Vazhinji vachamhanya-mhanya, uye zivo yechokwadi ichawanda.”+
12 Nokuti panguva ino tinoonera mumadzerere negirazi resimbi,+ asi panguva iyoyo tichaonana chiso nechiso.+ Panguva ino ndinoziva zvisina kukwana, asi panguva iyoyo ndichaziva zvakarurama sokuzivikanwa zvakarurama kwandinoitwa.+
6 Nokuti Mwari ndiye akati: “Chiedza ngachipenye murima,”+ uye akapenyera pamwoyo yedu kuti aivhenekere+ nezivo inobwinya+ pamusoro paMwari nechiso chaKristu.+
19 Naizvozvo tine shoko rouprofita+ rakaitwa kuti rive rechokwadi kwazvo;+ uye muri kuita zvakanaka kuriteerera serambi+ rinopenya munzvimbo ine rima, imo mumwoyo menyu, kusvikira ava mambakwedza uye nyamasase+ ichibuda.