Zvakazarurwa 5:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Ndakanzwa zvisikwa zvose zviri kudenga nepanyika uye pasi pevhu+ nomugungwa, nezvinhu zvose zviri mazviri, zvichiti: “Kuropafadzwa nokukudzwa+ nokubwinya+ nesimba ngazvive kuna Iye agere pachigaro choumambo+ nokuGwayana+ nokusingaperi-peri.” Zvakazarurwa 7:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 dzichiti: “Ameni! Kurumbidzwa nokukudzwa nouchenjeri nokuonga nokuremekedzwa nesimba+ nemasimba ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri. Ameni.”+ Zvakazarurwa 11:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 vachiti: “Tinokuongai,+ Jehovha Mwari, Wemasimbaose,+ Imi muripo+ uye makanga muripo, nokuti matora simba renyu guru+ uye matanga kutonga samambo.+ Zvakazarurwa 12:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: “Zvino ruponeso+ rwazoitika nesimba+ noumambo hwaMwari+ wedu nechiremera chaKristu+ wake, nokuti anopomera hama dzedu akandwa pasi, anodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari+ wedu!
13 Ndakanzwa zvisikwa zvose zviri kudenga nepanyika uye pasi pevhu+ nomugungwa, nezvinhu zvose zviri mazviri, zvichiti: “Kuropafadzwa nokukudzwa+ nokubwinya+ nesimba ngazvive kuna Iye agere pachigaro choumambo+ nokuGwayana+ nokusingaperi-peri.”
12 dzichiti: “Ameni! Kurumbidzwa nokukudzwa nouchenjeri nokuonga nokuremekedzwa nesimba+ nemasimba ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri. Ameni.”+
17 vachiti: “Tinokuongai,+ Jehovha Mwari, Wemasimbaose,+ Imi muripo+ uye makanga muripo, nokuti matora simba renyu guru+ uye matanga kutonga samambo.+
10 Ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: “Zvino ruponeso+ rwazoitika nesimba+ noumambo hwaMwari+ wedu nechiremera chaKristu+ wake, nokuti anopomera hama dzedu akandwa pasi, anodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari+ wedu!