Zvakazarurwa
7 Pashure peizvi ndakaona ngirozi+ ina dzimire pamakona mana enyika, dzakabata zvakasimba mhepo+ ina dzenyika, kuti parege kuva nemhepo ingavhuvhuta panyika kana pagungwa kana pamuti+ chero upi zvawo. 2 Ndakaona imwe ngirozi ichikwira ichibva kunobuda zuva,+ iine chisimbiso chaMwari mupenyu;+ uye yakashevedzera nenzwi guru kungirozi ina dzakanga dzabvumirwa kukuvadza nyika negungwa, 3 ichiti: “Musakuvadza nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa zvisimbiso+ pahuma dzevaranda vaMwari wedu.”+
4 Zvino ndakanzwa nhamba yevaya vakaiswa chisimbiso, vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina,+ vakaiswa chisimbiso vachibva mumadzinza ose+ evanakomana vaIsraeri:+
5 Mudzinza raJudha+ vane zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso;
mudzinza raRubheni+ zviuru gumi nezviviri;
mudzinza raGadhi+ zviuru gumi nezviviri;
6 mudzinza raAsheri+ zviuru gumi nezviviri;
mudzinza raNaftari+ zviuru gumi nezviviri;
mudzinza raManase+ zviuru gumi nezviviri;
7 mudzinza raSimiyoni+ zviuru gumi nezviviri;
mudzinza raRevhi+ zviuru gumi nezviviri;
mudzinza raIsakari+ zviuru gumi nezviviri;
8 mudzinza raZebhuruni+ zviuru gumi nezviviri;
mudzinza raJosefa+ zviuru gumi nezviviri;
mudzinza raBhenjamini+ zviuru gumi nezviviri zvakaiswa chisimbiso.+
9 Pashure pezvinhu izvi ndakaona, uye, tarira! boka guru revanhu,+ vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose+ nemadzinza nevanhu+ nendimi,+ vamire pamberi pechigaro choumambo+ nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena;+ uye mumaoko avo makanga muine mapazi emichindwe.+ 10 Vanoramba vachishevedzera nenzwi guru, vachiti: “Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu,+ agere pachigaro choumambo,+ uye kuGwayana.”+
11 Zvino ngirozi dzose+ dzakanga dzakamira dzakakomberedza chigaro choumambo nevakuru+ nezvisikwa zvipenyu zvina,+ uye dzakawira pasi nezviso zvadzo pamberi pechigaro choumambo dzikanamata Mwari,+ 12 dzichiti: “Ameni! Kurumbidzwa nokukudzwa nouchenjeri nokuonga nokuremekedzwa nesimba+ nemasimba ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri. Ameni.”+
13 Mumwe wevakuru+ achipindura akati kwandiri: “Ava vakapfeka nguo refu chena,+ ndivanaani uye vabva kupi?” 14 Naizvozvo ndakabva ndati kwaari: “Ishe wangu, ndimi munoziva.” Iye akati kwandiri: “Ava ndivo vanobuda mukutambudzika kukuru,+ uye vakageza nguo dzavo refu, vakadziita chena+ muropa+ reGwayana. 15 Ndokusaka vari pamberi+ pechigaro choumambo chaMwari; uye vari kumuitira basa dzvene+ masikati nousiku mutemberi yake; uye Iye agere pachigaro choumambo+ achatambanudza tende+ rake pamusoro pavo. 16 Havazonzwizve nzara kana kunzwazve nyota, uyewo zuva harizovapisi kana chero kupisa kukuru kupi zvako,+ 17 nokuti Gwayana,+ riri pakati pechigaro choumambo, richavafudza,+ uye richavatungamirira kuzvitubu zvemvura+ youpenyu. Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.”+