Zvirevo
3 Vakarurama vanotungamirirwa nekurarama vasina chavanopomerwa,+
Asi kunyengera kwevasina kutendeka kuchavaparadza.+
5 Kururama kwemunhu asina chaanopomerwa kuchaita kuti gwara rake ritwasuke,
Asi munhu akaipa achawa nemhaka yeuipi hwake.+
7 Munhu akaipa paanofa, tariro yake inoparara;
Uye zvaaitarisira pamusana pesimba rake zvinopararawo.+
9 Nemuromo wake, munhu akatsauka pakutenda* anoparadza muvakidzani wake,
Asi neruzivo, vakarurama vanonunurwa.+
12 Munhu wese anozvidza* muvakidzani wake haana pfungwa,*
Asi munhu anonyatsonzwisisa anoramba akanyarara.+
15 Munhu wese anoita kuti munhu waasingazivi atore chikwereti muzita rake zvichamuipira,+
Asi munhu wese anoramba* kupinda muchibvumirano chekubatana maoko anenge akachengeteka.
18 Munhu akaipa anowana mubayiro wekunyengera,+
Asi uya anodyara kururama anowana mubayiro wechokwadi.+
19 Munhu anotsigira kururama zvakasimba achawana upenyu,+
Asi uya anodzingirirana nezvakaipa achawana rufu.
20 Vaya vane mwoyo isina kururama vanosemesa Jehovha,+
Asi vaya vasina chavanopomerwa munzira dzavo vanomufadza.+
22 Sezvakaita rin’i yegoridhe iri pamhino yenguruve,
Ndizvo zvakaita mukadzi ane runako asi asina kuchenjera.
23 Chido chemunhu akarurama chinoguma mune zvakanaka,+
Asi zvinotarisirwa nevakaipa zvinoguma nekuratidzwa hasha.
24 Mumwe anopa zvakawanda* asi anoguma ava nezvakawanda;+
Mumwe anonyima zvaanofanira kupa, asi anopedzisira ava murombo.+
26 Vanhu vachatuka munhu anonyima zviyo,
Asi vachakomborera munhu anozvitengesa.
27 Uya anoshingaira kuita zvakanaka anenge achitsvaga kufarirwa,+
Asi uya ari kutsvaga zvakaipa, izvozvo hazvimbotadzi kuuya paari.+