21 Mwoyo wamambo wakaita sehova dzemvura dziri muruoko rwaJehovha.+
Anoita kuti uende chero kwese kwaanoda.+
2 Nzira dzemunhu dzese dzinoita sedzakarurama kwaari,+
Asi Jehovha anoongorora mwoyo.+
3 Kuita zvakarurama uye kutonga zvakarurama
Kunofadza Jehovha kupfuura chibayiro.+
4 Maziso anozvikudza uye mwoyo unozvitutumadza,
Irambi rinotungamirira vakaipa, uye zvinhu izvi chivi.+
5 Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire,+
Asi vanhu vese vanokurumidzira zvinhu vachava varombo.+
6 Kuwana upfumi nerurimi runoreva nhema
Kwakaita semhute inonyangarika, musungo unouraya.+
7 Mhirizhonga yevakaipa ichavatsvaira,+
Nekuti vanoramba kuita zvinhu zvakarurama.
8 Nzira yemunhu ane mhosva yakamonyana,
Asi mabasa emunhu akachena akarurama.+
9 Zviri nani kugara pakona yedenga remba
Pane kugara mumba mumwe chete nemukadzi anogara achipopota.+
10 Munhu akaipa anopanga zvakaipa;+
Haana basa nemuvakidzani wake.+
11 Panorangwa museki, munhu asina ruzivo anowedzera uchenjeri,
Uye munhu akachenjera paanova nenjere, anowedzera kuva neruzivo.+
12 Akarurama anoongorora imba yemunhu akaipa;
Anowisira vakaipa pasi kuti vaparare.+
13 Munhu wese anovhara nzeve yake kuti arege kunzwa kuchema kweakaderera
Achashevedzera asi haazopindurwiwo.+
14 Chipo chinopiwa pachivande chinodzora kutsamwa,+
Uye chiokomuhomwe chakavanzwa chinodzora hasha dzinotyisa.
15 Kutonga zvakarurama kunofadza munhu akarurama,+
Asi kwakaipa chaizvo kune vaya vanoita zvakaipa.
16 Munhu anotsauka panzira yenjere
Achazorora pamwe chete nevaya vasina simba vari murufu.+
17 Munhu anoda zvemafaro achava murombo;+
Munhu anoda waini nemafuta haazopfumi.
18 Munhu akaipa rudzikinuro rwemunhu akarurama,
Uye munhu anonyengera achatorwa panzvimbo peakarurama.+
19 Zviri nani kugara murenje
Pane kugara nemukadzi anogara achipopota uye asingatani kugumbuka.+
20 Pfuma inokosha nemafuta zvinowanika mumba memunhu akachenjera,+
Asi benzi richapfachura zvariinazvo.+
21 Munhu wese anoda kuramba achiita zvakarurama uye achiratidza rudo rusingachinji
Achawana upenyu, kururama, nekukudzwa.+
22 Munhu akachenjera anogona kukwira achipinda muguta revane simba,
Oputsa pakasimba pavanenge vachivimba napo.+
23 Munhu anochengetedza muromo wake nerurimi rwake
Anozvidzivirira pamatambudziko.+
24 Kuzvirumbidza, kuzvikudza, nekuzvionera pamusoro ndiwo mashoko anoshandiswa
Pamunhu anoita zvinhu achizvikudza asingaise pfungwa pane zvaari kuita.+
25 Zvinopangwa nesimbe zvichaiurayisa,
Nekuti maoko ayo haadi kushanda.+
26 Inoswera ichingopanga zvemakaro,
Asi munhu akarurama anopa, asina chaanonyima.+
27 Chibayiro chinopiwa nemunhu akaipa chinosemesa.+
Kana achichipa nechinangwa chakaipa chinotonyanya kusemesa.
28 Chapupu chinoreva nhema chichaparara,+
Asi munhu anoteerera achabudirira pane zvaanopupurira.
29 Munhu akaipa ane chiso chisinganyari,+
Asi munhu akarurama ndiye ane nzira ichabudirira.+
30 Hapana uchenjeri, kana ungwaru, kana zano zvingarwisana naJehovha.+
31 Bhiza rinogadzirirwa zuva rekurwa,+
Asi ruponeso nderwaJehovha.+