Munyengetero waDhavhidhi.
86 Haiwa Jehovha, rerekai nzeve yenyu. Ndipindurei,+
Nokuti ndinotambudzika uye ndiri murombo.+
2 Haiwa, rindai mweya wangu, nokuti ndakavimbika.+
Imi muri Mwari wangu—ponesai mushumiri wenyu—anovimba nemi.+
3 Haiwa Jehovha, ndinzwirei nyasha,+
Nokuti ndinoramba ndichishevedzera kwamuri zuva rose.+
4 Itai kuti mweya womushumiri wenyu ufare,+
Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri, haiwa Jehovha.+
5 Haiwa Jehovha, nokuti imi makanaka+ uye makagadzirira kukanganwira;+
Uye mutsa worudo wamunoitira vose vanodana kwamuri mukuru.+
6 Haiwa Jehovha, teererai munyengetero wangu;+
Teererai inzwi rokuteterera kwangu.+
7 Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu,+
Nokuti muchandipindura.+
8 Pakati pavanamwari hapana akaita semi, haiwa Jehovha,+
Uyewo hapana mabasa akaita seenyu.+
9 Marudzi ose amakaita achauya,+
Achakukotamirai, haiwa Jehovha,+
Uye achakudza zita renyu.+
10 Nokuti muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa;+
Ndimi Mwari, imi moga.+
11 Haiwa Jehovha, ndirayiridzei pamusoro penzira yenyu.+
Ndichafamba muchokwadi chenyu.+
Batanidzai mwoyo wangu kuti utye zita renyu.+
12 Ndinokurumbidzai, haiwa Jehovha Mwari wangu, nomwoyo wangu wose,+
Ndichakudza zita renyu nokusingagumi,
13 Nokuti mutsa wenyu worudo wamunondiitira mukuru,+
Uye makanunura mweya wangu muSheori, iyo nzvimbo yawo yakadzikira kwazvo.+
14 Haiwa Mwari, vanozvikudza vakasimuka kuti vandirwise;+
Ungano yevadzvinyiriri yakatsvaka mweya wangu,+
Uye havana kukuisai pamberi pavo.+
15 Asi imi, haiwa Jehovha, muri Mwari ane ngoni neane nyasha,+
Anononoka kutsamwa+ uye azere nomutsa worudo nechokwadi.+
16 Tendeukirai kwandiri mundinzwire nyasha.+
Ipai mushandi wenyu simba renyu,+
Uye ponesai mwanakomana womurandasikana wenyu.+
17 Ndiitirei chiratidzo chinoreva kunaka,
Kuti vaya vanondivenga vachione, vanyare.+
Nokuti imi, haiwa Jehovha, makandibatsira uye makandinyaradza.+