Rwiyo rwaAsafi.+
50 Jehovha,+ Mwari wavanamwari, ataura;
Anoshevedza nyika
Kubva zuva richibuda kusvikira ranyura.
2 Mwari anoita kuti chiedza chipenye chichibva muZiyoni, guta rakakwana parunako.+
3 Mwari wedu achauya uye haagoni kuramba akanyarara.+
Pamberi pake pane moto unoparadza,+
Uye dutu guru rine hasha rakamukomberedza.+
4 Anoshevedza denga riri kumusoro uye nyika,+
Kuti atonge vanhu vake achiti:+
5 “Unganidzai vanhu vangu vakavimbika kwandiri,
Vaya vari kuita sungano neni pachishandiswa chibayiro.”+
6 Matenga anozivisa nezvekururama kwake,
Nekuti Mwari pachake ndiye Mutongi.+ (Sera)
7 “Teererai, imi vanhu vangu, ini nditaure;
Iwe Israeri, ndichapupura ndichipokana newe.+
Ndini Mwari, iye Mwari wako.+
8 Handikutsiuri nekuda kwezvibayiro zvako,
Kana kuti nekuda kwezvibayiro zvako zvinopiswa zvinogara zviri pamberi pangu.+
9 Handidi hangu mombe iri pamusha pako,
Kana mbudzi dziri mumatanga ako.+
10 Nekuti mhuka dzese dzemusango ndedzangu,+
Kunyange mhuka dziri muzviuru zvemakomo.
11 Ndinoziva shiri dzese dzemumakomo;+
Mhuka dzemusango dzisingagoni kuverengwa ndedzangu.
12 Kudai ndaiva nenzara, ndaisazokuudza,
Nekuti nyika nezvese zviri mairi ndezvangu.+
13 Ndingadya nyama yemombe
Uye ndinganwa ropa rembudzi here?+
14 Ipa kuonga sechibayiro chako kuna Mwari,+
Uye ripa mhiko dzako kune Wekumusorosoro;+
15 Ndishevedze panguva yekutambudzika.+
Ndichakununura, uye uchandikudza.”+
16 Asi Mwari achati kune munhu akaipa:
“Une kodzero ipi yekurondedzera mirau yangu+
Kana kuti yekutaura nezvesungano yangu?+
17 Nekuti unovenga kurangwa,
Uye unoramba uchindipa gotsi ndichitaura newe.+
18 Paunoona mbavha, unobvumirana nezvainoita,+
Uye unoshamwaridzana nemhombwe.
19 Unoshandisa muromo wako kuparadzira zvakaipa,
Uye kunyengera hakubvi parurimi rwako.+
20 Unogara pasi wotaura zvakaipa nezvehama yako;+
Unofumura zvikanganiso zvemwana waamai vako.
21 Pawakaita zvinhu izvi, ndakaramba zvangu ndakanyarara,
Saka wakafunga kuti ndaizongoita sewe.
Asi iye zvino ndichakutsiura,
Uye ndichakuudza zvawakakanganisa.+
22 Funga izvi, iwe anokanganwa Mwari,+
Kuti ndirege kukubvambura-bvambura pasina anokununura.
23 Munhu anopa kuonga sechibayiro chake ndiye anondikudza,+
Uye kana ari uya anoramba ari munzira chaiyo,
Ndichaita kuti aone ruponeso rwaMwari.”+