Tsamba Yechipiri Kuna Timoti
3 Asi ziva kuti mumazuva ekupedzisira,+ nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika. 2 Nekuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, 3 vasina rudo runongobva rwega mumwoyo, vasingatombodi kubvumirana, vanotaura zvenhema nezvevamwe,* vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, 4 vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza, vanoda mafaro panzvimbo pekuda Mwari, 5 vanoita sekunge vanonamata Mwari asi vasingaiti zvinoenderana nekunamata kwacho;+ usiyane naivava. 6 Pakati paivava panobva varume vanoverevedza vachipinda mudzimba, vokwezva vakadzi vasina simba, vakaremerwa nezvivi, vanokurirwa nekuchiva zvinhu zvakasiyana-siyana, 7 vanogara vachidzidza, asi vasingambosviki pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.
8 Vanhu ava vanoshora chokwadi sezvakaitwa naJanesi naJambresi vaipikisa Mozisi. Varume vakadaro vane pfungwa dzakakanganisika zvachose, uye havafarirwi naMwari nekuti havaiti zvinoenderana nekutenda. 9 Kunyange zvakadaro, havana kwavanosvika, nekuti kupusa kwavo kuchava pachena kuvanhu vese, sezvakangoita kwevarume vaviri ivavo.+ 10 Asi iwe wakanyatsotevera kudzidzisa kwangu, mararamiro angu,+ chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, rudo rwangu, kutsungirira kwangu, 11 kutambudzwa kwandakaitwa uye nhamo yandakaona kuAndiyoki,+ kuIkoniyumu,+ nekuRistra.+ Ndakatsungirira matambudziko aya, uye Ishe akandinunura maari ese.+ 12 Ndingatoti, vese vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.+ 13 Asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa vamwe uye ivo vachitsauswawo.+
14 Asi iwe ramba uchiita zvinhu zvawakadzidza uye zvawakabatsirwa kuti utende,+ uchiziva kuti wakazvidzidza kunaani 15 uye kuti kubvira paucheche+ wakaziva zvinyorwa zvitsvene,+ zvinokwanisa kukubatsira kuti uve akachenjera kuti uwane ruponeso nekutenda muna Kristu Jesu.+ 16 Magwaro ese akafemerwa naMwari+ uye anobatsira pakudzidzisa,+ pakutsiura, pakururamisa zvinhu,* pakurayira* zvakarurama,+ 17 kuti munhu waMwari ave nyanzvi, aine zvese zvaanoda pakuita mabasa ese akanaka.