29 Munhu anoomesa mutsipa wake achitsiurwa kakawanda+
Achazongoona atyorwa zvekusapora.+
2 Kana vakarurama vakawanda, vanhu vanofara,
Asi kana munhu akaipa achitonga, vanhu vanogomera.+
3 Munhu anoda uchenjeri anoita kuti baba vake vafare,+
Asi munhu anoshamwaridzana nepfambi anopfachura upfumi hwake.+
4 Kana mambo achitonga zvakarurama, nyika inogadzikana,+
Asi munhu anoda zvechiokomuhomwe anoiparadza.
5 Munhu anorumbidza muvakidzani wake zvekumubata kumeso
Anotambanudzira tsoka dzake mambure.+
6 Munhu akaipa anoteyiwa nezvitadzo zvake,+
Asi munhu akarurama anoshevedzera nemufaro achipembera.+
7 Munhu akarurama ane hanya nekodzero dzevarombo,+
Asi munhu akaipa haana kana basa nenyaya dzakadaro.+
8 Varume vanozvirumbidza vanopisa guta,+
Asi vaya vakachenjera vanodzora kutsamwa.+
9 Kana munhu akachenjera akatanga kunetsana nebenzi,
Panova nekukandana mashoko nekutukana asi hapana chinobuda.+
10 Varume vanoda kudeura ropa vanovenga munhu wese asina mhosva,+
Uye vanotsvaga kupfuudza upenyu hwevanhu vakarurama.
11 Benzi rinobudisa hasha dzaro dzese,+
Asi munhu akachenjera anoramba akadzikama achidzidzora.+
12 Kana mutongi achiteerera nhema,
Vashandi vake vese vachava vakaipa.+
13 Murombo nemudzvinyiriri vakafanana pakuti:
Jehovha ndiye anoita kuti maziso avo aone chiedza.
14 Kana mambo achitonga varombo zvakarurama,+
Chigaro chake chicharamba chiripo.+
15 Shamhu nekutsiura zvinopa uchenjeri,+
Asi mwana asingarangwi anonyadzisa amai vake.
16 Kana vakaipa vakawanda, uipi hunowedzera,
Asi vakarurama vachaona kuparara kwavo.+
17 Rayira mwanakomana wako, uye achakuunzira zororo;
Uye achaita kuti ufare chaizvo.+
18 Kana pasina zviratidzo, vanhu havadzoreki,+
Asi vanofara vaya vanochengeta mutemo.+
19 Mushandi haazobvumi kururamiswa nemashoko,
Nekuti kunyange zvazvo achinzwisisa, haateereri.+
20 Wakamboona munhu anokurumidza kutaura here?+
Benzi rine tariro kumupfuura.+
21 Kana muranda achitunhidzwa kubvira paudiki,
Anozova munhu asingaongi muupenyu.
22 Munhu asingatani kutsamwa anomutsa gakava;+
Munhu wese anokurumidza kushatirwa anopara nyaya dzakawanda.+
23 Kuzvikudza kwemunhu kuchamuninipisa,+
Asi munhu wese anozvininipisa achakudzwa.+
24 Munhu anoshamwaridzana nembavha anovenga upenyu hwake.
Anogona kunzwa kuti pari kudiwa uchapupu, asi haatauri zvaanoziva.+
25 Kutya munhu kuzvipinza mumusungo,+
Asi munhu anovimba naJehovha achadzivirirwa.+
26 Vakawanda vanoedza kunzwirwa nyaya dzavo nemutongi,
Asi Jehovha ndiye anotongera munhu zvakarurama.+
27 Munhu asina kururama anosemesa vakarurama,+
Asi munhu ane nzira yakarurama anosemesa munhu akaipa.+