RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 7:21
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 21 Usavhundutswa navo, nokuti Jehovha Mwari wako ari pakati pako,+ ndiMwari mukuru uye anotyisa.+

  • Dheuteronomi 28:58
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 58 “Kana ukasachenjerera kuita mashoko ose omutemo uyu akanyorwa mubhuku rino,+ kuti utye zita iri rinokudzwa+ nerinotyisa,+ iro rokuti Jehovha,+ Mwari wako,

  • Nehemiya 9:32
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 32 “Zvino, haiwa Mwari wedu, Mwari mukuru,+ ane simba+ neanotyisa,+ anochengeta sungano+ nokuva nomutsa worudo,+ musarega kutambudzika kwose kwakatiwana,+ isu nemadzimambo+ edu nemachinda+ edu nevapristi+ vedu nevaprofita+ vedu nemadzitateguru+ edu nevanhu venyu vose kubvira pamazuva emadzimambo eAsiriya kusvikira nhasi,+ kuchioneka sokuduku pamberi penyu.+

  • Pisarema 8:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 8 Haiwa Jehovha Ishe wedu, zita renyu iguru sei panyika pose,+

      Imi mune kukudzwa kunorondedzerwa kumusoro kwematenga!+

  • Pisarema 66:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  3 Itii kuna Mwari: “Mabasa enyu anotyisa sei!+

      Nokuda kwoukuru hwesimba renyu, vavengi venyu vachauya kwamuri vachidedera.+

  • Pisarema 148:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 Zvose ngazvirumbidze zita raJehovha,+

      Nokuti zita rake roga ndiro riri kumusoro kusingasvikiki.+

      Kukudzwa kwake kuri kumusoro kwenyika nedenga.+

  • Isaya 29:23
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 23 nokuti paanoona vana vake, iro basa remaoko angu, vari pakati pake,+ vachatsvenesa zita rangu,+ uye vachatsvenesa Mutsvene waJakobho,+ uye vacharemekedza vachitya+ Mwari waIsraeri.

  • Zvakazarurwa 15:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 Chokwadi ndiani asingazokutyii,+ Jehovha,+ nokukudza zita renyu,+ nokuti imi moga makavimbika?+ Nokuti marudzi ose achauya achizonamata+ pamberi penyu, nokuti mirayiro yenyu yakarurama yakaratidzwa pachena.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe