Muparidzi
7 Zita rakanaka riri nani pane mafuta akanaka,+ uye zuva rokufa riri nani pane zuva rokuberekwa kwomunhu.+ 2 Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pane kuenda kuimba yemabiko,+ nokuti ndiwo mugumo wevanhu vose; uye munhu mupenyu anofanira kuzvifungisisa nomwoyo wake. 3 Kunetseka kuri nani pane kuseka,+ nokuti mwoyo unova nani nokusuruvara kwechiso.+ 4 Mwoyo yevakachenjera iri muimba yokuchema,+ asi mwoyo yemapenzi iri muimba yokufara.+
5 Zviri nani kunzwa kutsiura kwomunhu akachenjera+ pane kuva munhu anonzwa rwiyo rwemapenzi.+ 6 Nokuti kuseka kwebenzi+ kwakaita sokuputika kunoita minzwa iri pasi pehari; uye izviwo hazvina zvazvinobatsira. 7 Nokuti kudzvinyirira kungaita kuti munhu akachenjera aite sebenzi,+ uye chipo+ chinogona kuparadza mwoyo.+
8 Kuguma kwenyaya kuri nani kupfuura kutanga kwayo.+ Anoshivirira ari nani kupfuura anozvikudza.+ 9 Usakurumidza kugumbuka,+ nokuti kugumbuka kunogara pachipfuva chemapenzi.+
10 Usati: “Nei mazuva ekare aiva nani pane aya?”+ nokuti kubvunza kwako pamusoro peizvi kushaya uchenjeri.+
11 Uchenjeri pamwe chete nenhaka zvakanaka uye zvinobatsira vaya vanoona zuva.+ 12 Nokuti uchenjeri hunodzivirira+ kufanana nemari inodzivirira;+ asi zvakanakira zivo ndezvokuti uchenjeri hunochengetedza varidzi vahwo vari vapenyu.+
13 Ona basa+ raMwari wechokwadi, nokuti ndiani angaruramisa zvaakakombamisa?+ 14 Ita zvakanaka pazuva rakanaka,+ uye pazuva redambudziko ona kuti Mwari wechokwadi akaita iri rakafanana neiro,+ kuti vanhu varege kuziva chinhu chero chipi zvacho chichazovatevera.+
15 Ndakaona zvinhu zvose mumazuva angu asingabatsiri.+ Pane munhu akarurama anoparara mukururama kwake,+ uye pane munhu akaipa anogara muuipi hwake kwenguva refu.+
16 Usanyanya kuva akarurama,+ kana kuratidza kuti wakanyanya kuchenjera.+ Nei uchifanira kuzviparadza?+ 17 Usanyanya kuva akaipa,+ kana kuva benzi.+ Ungafirei iyo isiri nguva yako?+ 18 Zviri nani kuti ubate chimwe chete, asi usaregedza chimwe chacho;+ nokuti iye anotya Mwari achaenda nazvo zvose.+
19 Uchenjeri hwakasimba kumunhu akachenjera kupfuura varume gumi vane simba vaiva muguta.+ 20 Nokuti hapana munhu akarurama panyika anoramba achiita zvakanaka asingatadzi.+
21 Mwoyo wako ngaurege kuva nehanya nemashoko ose angataurwa nevanhu,+ kuti urege kunzwa mushandi wako achikutuka.+ 22 Nokuti mwoyo wako unonyatsoziva kuti kazhinji, iwe wakatukawo vamwe.+
23 Zvose izvi ndakazviedza nouchenjeri. Ndakati: “Ndichava akachenjera.” Asi ihwo hwakanga huri kure neni.+ 24 Zvakavapo zviri kure uye zvakanyanya kudzama. Ndiani angazviziva?+ 25 Ini ndakatendeuka, mwoyo wangu ukadarowo,+ kuti ndizive, kuti ndiongorore uye nditsvake uchenjeri+ nechikonzero chezvinhu,+ uye kuti ndizive nezvokuipa kwoupenzi uye ufuza hwoupengo;+ 26 uye ndakanga ndichitsvaka: Ndakawana kuti mukadzi anenge mambure okuvhimisa uye aiva nomwoyo wakaita semambure okukukudzisa uye aiva nemaoko akaita sezvisungo zvomumakumbo+ anoshungurudza kupfuura rufu.+ Munhu anova akanaka pamberi paMwari wechokwadi kana akamutiza, asi munhu anotadza kana akabatwa naye.+
27 “Onai! Ndawana izvi,” akadaro muunganidzi,+ “chinhu chimwe nechimwe chichitariswa, kuti ndiwane kuguma kwazvo,+ 28 kwakaramba kuchitsvakwa nomweya wangu, asi handina kukuwana. Ndakawana murume mumwe chete pane vane chiuru,+ asi handina kuwana mukadzi pane vose ava.+ 29 Onai! Ndakangowana izvi chete, kuti Mwari wechokwadi akaita vanhu vakarurama,+ asi ivo vakatsvaka mazano mazhinji.”+