Mako
12 Uyewo, akatanga kutaura navo achishandisa mifananidzo achiti: “Mumwe murume akadyara munda wemizambiringa,+ akaukomberedza noruzhowa, akachera chisviniro chewaini, akavaka shongwe,+ akauronzesa varimi,+ akaenda kunze kwenyika.+ 2 Zvino mumwaka wakakodzera akatuma muranda kuvarimi vacho, kuti awane zvimwe zvibereko zvomunda wacho wemizambiringa kuvarimi.+ 3 Asi vakamutora, vakamurova, vakamuendesa asina chinhu.+ 4 Akatumazve mumwe muranda kwavari; uye iyeye vakamurova mumusoro, vakamuzvidza.+ 5 Zvino akatuma mumwe, uye iyeye vakamuuraya; uye akatuma vamwe vazhinji, ivo vakarova vamwe vacho uye vakauraya vamwe vacho. 6 Akanga achine mumwe, mwanakomana anodiwa.+ Akamutuma pakupedzisira kwavari, achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’+ 7 Asi varimi ivavo vakataurirana vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka.+ Uyai, ngatimuurayei, uye nhaka ichava yedu.’+ 8 Naizvozvo vakamutora, vakamuuraya,+ vakamukanda kunze kwomunda wemizambiringa.+ 9 Muridzi womunda wemizambiringa achaitei? Achauya oparadza varimi, uye achapa vamwe+ munda wacho wemizambiringa.+ 10 Hamuna kumboverenga here rugwaro urwu runoti, ‘Dombo+ rakarambwa nevavaki, ndiro razova dombo guru repakona.+ 11 Iri rakabva kuna Jehovha, uye rinoshamisa mumaziso edu’?”+
12 Ivo vakatanga kutsvaka nzira yokumubata nayo, asi vakatya boka revanhu, nokuti vakaziva kuti akataura mufananidzo wacho achifunga nezvavo. Naizvozvo vakamusiya, vakaenda.+
13 Zvino vakamutumira vamwe vevaFarisi nevateveri vebato raHerodhi,+ kuti vamubate pakutaura kwake.+ 14 Vachisvika vakati kwaari: “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri wechokwadi uye hamuna basa nomunhu, nokuti hamutariri kuti vanhu vakaita sei nechokunze, asi munodzidzisa nzira yaMwari maererano nechokwadi:+ Zvinobvumirwa nomutemo here kutera mutero womunhu wose kuna Kesari kana kuti kwete? 15 Totera here, kana kuti torega kutera?”+ Achicherechedza unyengeri hwavo, akati kwavari: “Munondiedzerei? Ndiunzirei dhinari ndione.”+ 16 Ivo vakauya naro. Iye akati kwavari: “Mufananidzo nemashoko aya akanyorwa ndezvaani?” Ivo vakati kwaari: “NdezvaKesari.”+ 17 Jesu akabva ati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari,+ asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”+ Ivo vakatanga kushamiswa naye.+
18 Zvino vaSadhusi, vaiti hakuna kumuka, vakauya kwaari, vakamubvunza+ kuti: 19 “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti kana mukoma womumwe munhu akafa, akasiya mudzimai asi akasasiya mwana, munun’una wake+ anofanira kutora mudzimai wacho omutsira mukoma wake vana naye.+ 20 Kwaiva nevatevedzani vanomwe; uye wokutanga akatora mudzimai, asi paakafa haana kusiya mwana.+ 21 Wechipiri akamutorawo, asi akafa asina kusiya mwana; uye wechitatu akaitawo saizvozvo. 22 Zvino vanomwe ava havana kusiya kana mwana. Pakupedzisira mukadzi wacho akafawo.+ 23 Pakumuka achava mudzimai woupi pane ava? Nokuti iye akava mudzimai weava vanomwe.”+ 24 Jesu akati kwavari: “Ichi handicho chikonzero nei makarasika here, kusaziva kwenyu Magwaro kana simba raMwari?+ 25 Nokuti pavanomuka kubva kuvakafa, varume havaroori uyewo vakadzi havaroorwi, asi vanenge vakaita sengirozi dziri kumatenga.+ 26 Asi pamusoro pevakafa, kuti vanomutswa, hamuna kuverenga here mubhuku raMosesi, munyaya yegwenzi reminzwa, matauriro akaita Mwari kwaari kuti, ‘Ndini Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho’?+ 27 Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu. Makarasika chaizvo.”+
28 Zvino mumwe wevanyori akanga auya akavanzwa vachiita nharo, achiziva kuti akanga avapindura nenzira yakanaka, akamubvunza kuti: “Murayiro wokutanga pane yose ndoupi?”+ 29 Jesu akapindura kuti: “Wokutanga ndouyu, ‘Inzwa, haiwa iwe Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete,+ 30 ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimba rako rose.’+ 31 Wechipiri ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’+ Hapana mumwe murayiro mukuru kupfuura iyi.” 32 Munyori wacho akati kwaari: “Mudzidzisi, mataura zvakanaka maererano nechokwadi chokuti, ‘Iye ndiye Mumwe chete, uye hakuna mumwe kunze Kwake’;+ 33 uye uku kumuda nomwoyo wako wose nokunzwisisa kwako kwose nesimba rako rose uye uku kuda muvakidzani wako sezvaunozviita kunokosha kupfuura zvinopiwa zvose zvakakwana zvinopiswa nezvibayiro.”+ 34 Jesu, achinzwisisa kuti akanga apindura noungwaru, akati kwaari: “Hausi kure noumambo hwaMwari.” Asi hapana munhu akanga achine ushingi hwokumubvunza.+
35 Zvisinei, paakanga achipindura, Jesu sezvaaidzidzisa mutemberi akatanga kuti: “Sei vanyori vachitaura kuti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?+ 36 Nomudzimu mutsvene+ Dhavhidhi akati, ‘Jehovha akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.”’+ 37 Dhavhidhi anomuti ‘Ishe,’ asi iye mwanakomana wake sei?”+
Zvino boka guru racho revanhu rakanga richimuteerera nomufaro.+ 38 Paaidzidzisa akaenderera mberi achiti: “Chenjererai vanyori+ vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu vachida kukwaziswa mumisika 39 uye vanoda zvigaro zvepamberi mumasinagogi nenzvimbo dzepamusorosoro pakudya kwemanheru.+ 40 Ndivo vari kuparadza dzimba+ dzechirikadzi uye vachiita minyengetero mirefu yokubata kumeso; ivava vachatongwa kwazvo.”+
41 Zvino akagara pasi paaikwanisa kuona midziyo yokuisa mari,+ akatanga kucherechedza kudonhedzera mari kwaiita boka revanhu mumidziyo yokuisa mari; uye vanhu vazhinji vakapfuma vakanga vachidonhedzera mari zhinji.+ 42 Zvino imwe chirikadzi yaiva murombo yakasvika, ikadonhedzera tumari tuviri twaisambokosha.+ 43 Naizvozvo akashevedza vadzidzi vake, akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yadonhedzera kupfuura vose vadonhedzera mari mumidziyo yokuisira mari;+ 44 nokuti vose vadonhedzera vachibvisa pamari yavo yakasara, asi iye, pakushayiwa kwake adonhedzera yose yaanga ainayo, inomuraramisa.”+