VaKorose
2 Nokuti ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa+ zvikuru sei nokuda kwenyu uye nokuda kwevaya vari kuRaodhikiya+ nevaya vose vasina kuona chiso changu panyama, 2 kuti mwoyo yavo inyaradzwe,+ kuti vanyatsobatanidzwa pamwe chete murudo,+ kuti vawane pfuma yose, iyo iri kunzwisisa kwavo kune chivimbo chizere,+ kuti vawane zivo yakarurama pamusoro pechakavanzika chitsvene chaMwari, iye Kristu.+ 3 Pfuma yose youchenjeri neyezivo+ yakanyatsovanzwa maari. 4 Ndiri kutaura izvi kuti parege kuva nomunhu angakunyengerai nemashoko okunyengetedza.+ 5 Nokuti kunyange ndisipo panyama, ndinemi mumudzimu,+ ndichifara uye ndichiona kurongeka+ kwenyu kwakanaka uye kusimba kwokutenda+ kwenyu kuna Kristu.
6 Naizvozvo, zvamakagamuchira Kristu Jesu Ishe, rambai muchifamba muri pamwe+ naye, 7 makadzika midzi,+ muchivakwa+ maari uye muchidzikamiswa pakutenda,+ sokudzidziswa kwamakaitwa, muchifashukira nokutenda pakuonga.+
8 Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda+ nemi semhuka yake yaabata nouzivi+ uye nounyengeri husina zvahunobatsira+ maererano netsika yevanhu, maererano nezvinhu zvokutanga+ zvenyika, kwete maererano naKristu; 9 nokuti kuva saMwari+ kwake kwose kuzere+ kunogara maari mumuviri. 10 Naizvozvo imi muzere nezvinhu zvose pachishandiswa iye, iye ari musoro wehurumende dzose nemasimba.+ 11 Muri pamwe chete+ naye imi makadzingiswawo nokudzingiswa+ kusingaitwi nemaoko nokupfekenura muviri wenyama,+ nokudzingiswa kune chokuita naKristu, 12 nokuti makavigwa pamwe chete naye murubhabhatidzo rwake,+ uye muri pamwe chete naye makamutswawo+ pamwe chete naye nokutenda+ kwenyu mukushanda+ kwaMwari, uyo akamumutsa kubva kuvakafa.+
13 Uyezve, kunyange zvazvo makanga makafa pakudarika kwenyu uye pakusadzingiswa kwenyama yenyu, Mwari akaita kuti muve vapenyu pamwe chete naye.+ Iye akatikanganwira nomutsa kudarika kwedu kwose,+ 14 akadzima+ rugwaro rwakanyorwa nemaoko+ rwairwisana nesu, rwaiumbwa nemirayiro+ uye rwaipesana nesu;+ uye Iye akarubvisa nokururoverera+ padanda rokutambudzikira.+ 15 Achipfekenura hurumende nevanhu vane masimba,+ akavaratidza pachena kuti vakundwa,+ achivatungamirira pakufora+ kwokukunda achishandisa danda rokutambudzikira.
16 Naizvozvo ngaparege kuva nomunhu anokutongai+ pane zvokudya nezvokunwa+ kana pamusoro pomutambo+ kana pamusoro pokuchengetwa kwokugara kwomwedzi+ kana pamusoro pesabata;+ 17 nokuti zvinhu izvozvo mumvuri+ wezvinhu zvichauya, asi chinhu chacho chaicho+ ndechaKristu.+ 18 Ngaparege kuva nomunhu anokushayisai+ mubayiro,+ anofadzwa nokuzvininipisa kwokunyepedzera nokunamatwa kwengirozi, “achimira” pazvinhu zvaakaona, achizvitutumadza pasina chikonzero chakakodzera nemafungiro ake enyama, 19 asi asingabatiriri zvakasimba kumusoro,+ kune uya ane muviri wose unoramba uchikura nokukura kunopiwa naMwari,+ uchigoverwa zvaunoda uye uchinyatsobatanidzwa pamwe chete+ pachishandiswa mapfundo nemarunda.
20 Kana makafa+ pamwe chete naKristu pazvinhu zvokutanga+ zvenyika,+ nei imi, sokunge muri kurarama munyika, muchizviisazve pasi pemirayiro+ inoti: 21 “Musabata, kana kuravira,+ kana kugunzva,”+ 22 pamusoro pezvinhu zvose zvinofanira kuparadzwa nokupedzwa, maererano nemirayiro nedzidziso zvevanhu?+ 23 Chokwadi, zvinhu izvozvo chaizvo zvinooneka sezvine uchenjeri mumanamatiro okuzvidira nokuzvininipisa kwokunyepedzera, pakutambudza muviri kwazvo;+ asi hazvikoshi pakurwisa kugutsa nyama.+