VaKorose
1 Pauro, muapostora waKristu Jesu nokuda kwaMwari,+ naTimoti+ hama yedu, 2 kuvatsvene nehama dzakatendeka dziri pamwe+ naKristu dziri kuKorose:
Mutsa usina kukodzera kuwanwa norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu ngazvive nemi.+
3 Tinogara tichionga+ Mwari Baba vaShe wedu Jesu Kristu patinokunyengetererai,+ 4 zvatakanzwa nezvokutenda kwenyu pamusoro paKristu Jesu uye kuda kwamunoita vatsvene vose+ 5 nokuda kwetariro+ yamakachengeterwa kumatenga.+ Tariro iyi makainzwa kare nokutaurwa kwechokwadi chemashoko iwayo akanaka+ 6 ayo akauya kwamuri, sezvaari kubereka zvibereko+ achiwedzera+ munyika+ yose sezvaari kuitawo pakati penyu, kubvira pazuva ramakanzwa nokuziva zvakarurama mutsa usina kukodzera kuwanwa+ waMwari muchokwadi.+ 7 Ndizvo zvamakadzidza kuna Epafrasi,+ muranda pamwe chete nesu anodiwa, uyo ari mushumiri akatendeka waKristu nokuda kwedu, 8 akatizivisawo rudo rwenyu+ rwamuinarwo mumudzimu.
9 Ndokusaka isuwo, kubvira pazuva ratakanzwa nezvazvo, tisina kurega kukunyengetererai+ nokukumbira kuti muzadzwe nezivo yakarurama+ pamusoro pokuda kwake nokuchenjera kwose+ nokunzwisisa kwomudzimu,+ 10 kuti mufambe zvakakodzera+ Jehovha,+ mumufadze kwazvo zvamunoramba muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka,+ muwedzere pazivo yakarurama+ pamusoro paMwari, 11 muchisimbiswa nesimba rose kusvika panosvika simba rake rinokudzwa+ kuti mutsungirire+ zvizere nokuva vane mwoyo murefu nomufaro, 12 muchionga Baba vakaita kuti muve vakakodzera kugoverana nhaka+ yevatsvene+ vakavhenekerwa nechiedza.+
13 Iye akatinunura pasimba+ rerima, akatipinza+ muumambo+ hwoMwanakomana wake waanoda,+ 14 anoshandiswa kutisunungura norudzikinuro, iko kukanganwirwa kwezvivi zvedu.+ 15 Iye ndiye mufananidzo+ waMwari asingaoneki,+ dangwe+ rezvisikwa zvose; 16 nokuti pachishandiswa iye+ zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa zviri kumatenga nezviri panyika, zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki, pasinei nokuti zvingava zviri zvigaro zvoumambo here kana ushe kana hurumende kana vanhu vane masimba.+ Zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa pachishandiswa iye+ uye nokuda kwake. 17 Uyewo, akatangira zvimwe zvinhu zvose+ uye zvimwe zvinhu zvose zvakaitwa kuti zvivepo pachishandiswa iye,+ 18 uye iye ndiye musoro womuviri, iyo ungano.+ Ndiye wokutanga, dangwe kubva kuvakafa,+ kuti ave wokutanga+ muzvinhu zvose; 19 nokuti Mwari akaona zvakanaka kuti kuzara+ kwose kugare maari, 20 uye achishandisa iye kuti ayananisezve+ kwaari zvimwe zvinhu zvose+ nokuita rugare+ neropa+ raakateura padanda rokutambudzikira,+ pasinei nokuti zvingava zvinhu zviri panyika here kana kuti zvinhu zviri kumatenga.
21 Chokwadi, imi maimbova makaparadzaniswa+ uye muri vavengi vaMwari nokuti pfungwa dzenyu dzakanga dziri pamabasa akanga akaipa,+ 22 zvino iye akayananisazve+ achishandisa muviri wenyama waiyeye norufu rwake,+ kuti akuunzei kwaari muri vatsvene, musina gwapa+ uye musina chamunopomerwa,+ 23 chero bedzi imi muchiramba muri pakutenda,+ makatsiga panheyo+ uye makasimba+ musingabviswi patariro yemashoko akanaka iwayo amakanzwa,+ uye akaparidzirwa+ zvisikwa zvose+ zviri pasi pedenga. Ini Pauro ndakava mushumiri wemashoko akanaka iwaya.+
24 Ndiri kufara zvino pakutambura kwangu kuzhinji nokuda kwenyu,+ uye iniwo, ndiri kuzadzisa panyama yangu zvakasara pakutambudzika+ kwaKristu nokuda kwomuviri wake, iyo ungano.+ 25 Ndakava mushumiri+ weungano iyi maererano noutariri+ hunobva kuna Mwari hwandakapiwa nokuda kwenyu kuti ndiparidze shoko raMwari zvizere, 26 chakavanzika chitsvene+ chakanga chakavanzika kubvira mumamiriro ezvinhu epanguva yekare+ nomuzvizvarwa zvakapfuura. Asi zvino chakaiswa pachena+ kuvatsvene vake, 27 kune vaya avo Mwari akafarira kuzivisa kuti pfuma inokudzwa+ yechakavanzika chitsvene+ pakati pemamwe marudzi chii. Chakavanzika chitsvene chacho ndiKristu+ ari pamwe nemi, iyo tariro yokukudzwa pamwe chete naye.+ 28 Iye ndiye watiri kuzivisa,+ tichirayira munhu wose nokudzidzisa munhu wose nokuchenjera kwose,+ kuti tiunze munhu wose akakwana+ ari pamwe naKristu. 29 Chokwadi ndiri kushanda nesimba nokuda kwaizvozvi, ndichizvishandisa nesimba+ maererano nokushanda+ kwaanoita uye uko kuri kushanda mandiri nesimba.+