1 Samueri
12 Samueri akazoti kuvaIsraeri vose: “Tarirai ndakateerera inzwi renyu pamusoro pezvose zvamakandiudza,+ kuti ndiite kuti mambo akutongei.+ 2 Zvino hoyu mambo ari kufamba pamberi penyu!+ Ini ndakwegura,+ ndachena musoro,+ uye vanakomana vangu, tarirai vari pano nemi,+ uye ini—ini ndakafamba pamberi penyu kubvira ndichiri muduku kusvikira nhasi.+ 3 Ndiri pano. Ndipomerei pamberi paJehovha uye pamberi pomuzodziwa wake:+ Ndakatora nzombe yaani kana kuti ndakatora mbongoro yaani+ kana kuti ndakabiridzira ani kana kuti ndakadzvinyirira ani kana kuti ndakagamuchira pfumbamuromo muruoko rwaani kuti ndivhare maziso angu nayo?+ Ini ndichakudzorerai.”+ 4 Ivo vakati: “Hamuna kutibiridzira, uyewo hamuna kutidzvinyirira, uyewo hamuna kugamuchira chero chinhu chipi zvacho muruoko rwomunhu mumwe chete.”+ 5 Naizvozvo akati kwavari: “Jehovha chapupu kwamuri, uye muzodziwa wake+ chapupu nhasi kuti hamuna kana chamawana muruoko rwangu.”+ Ivo vakati: “Iye chapupu.”
6 Zvino Samueri akati kuvanhu: “Jehovha ndiye chapupu, uyo akashandisa Mosesi naAroni uye akabudisa madzitateguru enyu munyika yeIjipiti.+ 7 Zvino mirai, ndichakutongai pamberi paJehovha ndorondedzera kwamuri mabasa ose akarurama+ aJehovha aakakuitirai imi nemadzitateguru enyu.
8 “Jakobho paakanga angopinda muIjipiti+ uye madzitateguru enyu atanga kushevedzera kuti abatsirwe naJehovha,+ Jehovha akatuma Mosesi+ naAroni, kuti vatungamirire madzitateguru enyu kubuda muIjipiti nokuita kuti vagare munzvimbo ino.+ 9 Vakakanganwa Jehovha Mwari wavo,+ zvokuti akavatengesera+ muruoko rwaSisera+ mukuru weuto raHazori nomuruoko rwevaFiristiya+ nomuruoko rwamambo weMoabhi,+ vakaramba vachivarwisa. 10 Vakatanga kushevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe+ vakati, ‘Takatadza,+ nokuti takasiya Jehovha kuti tishumire vanaBhaari+ nemifananidzo yaAshtoreti;+ zvino tinunureiwo+ muruoko rwevavengi vedu, kuti tikushumirei.’ 11 Jehovha akatuma Jerubhaari+ naBhedhani naJefta+ naSamueri+ akakununurai muruoko rwevavengi venyu vaiva vakakupoteredzai, kuti mugare makachengeteka.+ 12 Pamakaona kuti Nahashi+ mambo wevanakomana vaAmoni akanga auya kuzokurwisai, makaramba muchiti kwandiri, ‘Aiwa, asi tichatongwa namambo!’+ kunyange zvazvo nguva yose iyi Jehovha Mwari wenyu ave ari Mambo wenyu.+ 13 Zvino hoyu mambo wamakasarudza, wamakakumbira;+ uye tarirai Jehovha akugadzirai mambo.+ 14 Kana muchizotya Jehovha,+ mukamushumira,+ mukateerera inzwi rake,+ uye musingazopandukiri+ murayiro waJehovha, imi namambo achakutongai muchava vateveri vaJehovha Mwari wenyu. 15 Asi kana musingazoteereri inzwi raJehovha,+ muchizopandukira murayiro waJehovha,+ ruoko rwaJehovha rucharwa nemi nemadzibaba enyu.+ 16 Zvino, miraiwo muone chinhu ichi chikuru chichaitwa naJehovha pamberi penyu. 17 Nhasi harisi zuva rokukohwa gorosi+ here? Ndichashevedzera+ kuna Jehovha kuti aunze mabhanan’ana nemvura;+ ibvai maziva muone kuti zvakaipa zvenyu zvamakaita pamberi paJehovha nokukumbira kwenyu mambo zvakawanda.”+
18 Zvino Samueri akashevedzera kuna Jehovha,+ Jehovha akaunza mabhanan’ana nemvura zuva iroro,+ zvokuti vanhu vose vakatya Jehovha naSamueri kwazvo. 19 Vanhu vose vakatanga kuti kuna Samueri: “Nyengetererai+ vashumiri venyu kuna Jehovha Mwari wenyu, zvatisingadi kufa; nokuti tawedzera pazvivi zvedu zvose chinhu chakaipa nokukumbira mambo.”
20 Naizvozvo Samueri akati kuvanhu: “Musatya.+ Imi—ndimi makaita zvakaipa izvi zvose. Musangotsauka chete pakutevera Jehovha,+ shumirai Jehovha nemwoyo yenyu yose.+ 21 Musatsauka kuti mutevere zvinhu zvisiri zvechokwadi+ zvisingabatsiri+ uye zvisinganunuri, nokuti hazvisi zvechokwadi. 22 Nokuti Jehovha haazosiyi+ vanhu vake nokuda kwezita rake guru,+ nokuti Jehovha akazvifungira oga kuti akuitei vanhu vake.+ 23 Iniwo, handingambofungi zvakadaro, kuti nditadzire Jehovha nokurega kukunyengetererai;+ ndichakurayiridzai+ munzira yakanaka neyakarurama.+ 24 Ingotyai+ Jehovha, mumushumire muchokwadi nemwoyo yenyu yose;+ nokuti onai kuti zvinhu zvikuru zvakadini zvaakakuitirai.+ 25 Asi kana mukaita zvakaipa kwazvo, muchaparadzwa,+ imi namambo wenyu.”+