Dheuteronomi 4:35 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 35 Iwe—wakaratidzwa, kuti uzive kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi;+ hakuna mumwe kunze kwake.+ Isaya 43:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 “Imi muri zvapupu zvangu,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha, “mushumiri wangu wandakasarudza,+ kuti muzive+ uye mutende mandiri,+ kuti munzwisise kuti ndini Iye mumwe chete.+ Ndisati ndavapo hapana Mwari akaumbwa,+ uye pashure pangu pakaramba pasina mumwe.+ Isaya 44:24 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 24 Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako,+ iye Akakuumba mudumbu: “Ini, Jehovha, ndiri kuita zvinhu zvose, ndiri kutatamura matenga+ ndiri ndoga, ndiri kuwaridza nyika.+ Ndiani aiva neni? Jeremiya 16:20 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 20 Munhu wepanyika angazviitira vanamwari ivo vasiri vanamwari here?+
10 “Imi muri zvapupu zvangu,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha, “mushumiri wangu wandakasarudza,+ kuti muzive+ uye mutende mandiri,+ kuti munzwisise kuti ndini Iye mumwe chete.+ Ndisati ndavapo hapana Mwari akaumbwa,+ uye pashure pangu pakaramba pasina mumwe.+
24 Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako,+ iye Akakuumba mudumbu: “Ini, Jehovha, ndiri kuita zvinhu zvose, ndiri kutatamura matenga+ ndiri ndoga, ndiri kuwaridza nyika.+ Ndiani aiva neni?