Mapisarema
Maskiri.* Rwiyo rwaEtani+ muEzrahi.
89 Ndichaimba nekusingaperi pamusoro pekuratidza kunoita Jehovha rudo rusingachinji.
Nemuromo wangu ndichazivisa zvizvarwa zvese kutendeka kwenyu.
2 Nekuti ndakati: “Rudo rusingachinji ruchavakwa* nekusingaperi,+
Uye makasimbisa kutendeka kwenyu kumatenga.”
4 ‘Ndichasimbisa kwazvo mwana*+ wako nekusingaperi,
Uye ndichavaka chigaro chako cheumambo kwezvizvarwa nezvizvarwa.’”+ (Sera)
5 Matenga anorumbidza mabasa enyu anoshamisa, haiwa Jehovha,
Chokwadi, anorumbidza kutendeka kwenyu muungano yevatsvene.
6 Nekuti ndiani ari kumatenga angaenzaniswa naJehovha?+
Ndiani akaita saJehovha pakati pevanakomana vaMwari?+
Kutendeka kwenyu kwakakupoteredzai.+
10 Makakunda Rahabhi,+ akaita semunhu aurayiwa.+
Makaparadzira vavengi venyu neruoko rwenyu rune simba.+
12 Ndimi makasika kuchamhembe nekumaodzanyemba;
14 Kururama uye kutonga zvakarurama ndizvo nheyo dzechigaro chenyu cheumambo;+
Rudo rusingachinji uye kutendeka zvinomira pamberi penyu.+
15 Vanofara vanhu vanoziva kupembera nemufaro.+
Haiwa Jehovha, vanofamba muchiedza chechiso chenyu.
16 Vanoswera vachipembera muzita renyu,
Uye vanokwidziridzwa mukururama kwenyu.
19 Panguva iyoyo makataura muchiratidzo kuvanhu venyu vakavimbika muchiti:
“Ndakapa munhu ane simba guru, simba raainaro;+
Ndakakwidziridza munhu wandakasarudza pakati pevanhu.+
24 Kutendeka kwangu nerudo rwangu rusingachinji zvinaye,+
Uye simba rake richakwidziridzwa* muzita rangu.
28 Kusvikira nariini, ndicharamba ndichimuratidza rudo rwangu rusingachinji,+
Uye sungano yangu naye haizomboperi.+
29 Ndichasimbisa mwana* wake nekusingaperi,
Ndoita kuti chigaro chake cheumambo chirambe chiripo sematenga.+
30 Kana vanakomana vake vakasiya mutemo wangu
Vorega kufamba maererano nemitongo* yangu,
31 Kana vakatyora mirau yangu
Uye vakasachengeta mirayiro yangu,
32 Ndichabva ndavarova neshamhu ndichivarangira kusateerera* kwavo+
Uye ndichavazvambura pamusana pekukanganisa kwavo.
36 Mwana* wake acharamba aripo nekusingaperi;+
Chigaro chake chicharamba chiripo sezuva pamberi pangu.+
37 Chichasimbiswa nekusingaperi semwedzi,
Sechapupu chakatendeka chiri kudenga.” (Sera)
39 Makaramba sungano yamakaita nemushumiri wenyu;
Makasvibisa korona yake nekuikanda pasi.
43 Makadzosawo bakatwa rake,
Uye makaita kuti akundwe muhondo.
44 Makagumisa kubwinya kwake,
Uye makakanda pasi chigaro chake cheumambo.
45 Makatapudza mazuva eudiki hwake;
Makamupfekedza nyadzi. (Sera)
46 Haiwa Jehovha, mucharamba makahwanda kusvikira riini? Nekusingaperi here?+
Hasha dzenyu dzicharamba dzichibvira semoto here?
47 Yeukai kuti upenyu hwangu hupfupi zvakadii!+
Makasika vanhu vese musina chinangwa here?
48 Ndiani munhu angararama asingazooni rufu?+
Anogona kuzviponesa* pasimba reGuva* here? (Sera)
49 Haiwa Jehovha, mabasa enyu erudo rusingachinji amaimboita ari kupi,
Amakapika nezvawo kuna Dhavhidhi mukutendeka kwenyu?+