RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 6
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Vanakomana vaMwari vanotora madzimai panyika (1-3)

      • VaNefirimu vanoberekwa (4)

      • Uipi hwevanhu hunogumbura Jehovha (5-8)

      • Noa anopiwa basa rekuvaka areka (9-16)

      • Mwari anozivisa kuuya kweMafashamo (17-22)

Genesisi 6:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dimikira rechiHebheru rinoreva ngirozi dzaMwari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Job 1:6; 38:7; 2Pe 2:4; Jud 6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Akapa Nyika Mhosva

    wcg chits. 2

    Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

    w13 6/15 p. 22

    Rega Kutarira Zvinhu Zvisina Zvazvinobatsira!

    w10 4/15 p. 20 ndim. 4

    Chakaita Kuti Mwari Anzwire Noa Nyasha—Chinoita Kuti Tide Kuziva

    w08 6/1 p. 5

    Honzeri Yezvakaipa Inofumurwa!

    w07 6/1 p. 5

    Unoona Vanhu Vane Chisimba Sezvinoita Mwari Here?

    w00 4/15 p. 27

    “Akavasika Murume Nomukadzi”

    w97 6/15 pp. 15-16 ndim. 6-7

    Kununurwa Kwava Pedyo Nokuda Kwavanhu Vokuzvipira Kwoumwari!

    w90 4/15 pp. 11-12

Genesisi 6:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Mweya wangu hausi.”

  • *

    Kana kuti “nekuti anoita maererano nezvinodiwa nenyama.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 7:4; 1Pe 3:20
  • +2Pe 3:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera Kuzvininipisa Kunoita Jehovha

    w25.12 p. 17 ndim. 10

    Jehovha Anoziva nzira Yokununura Nayo Vanhu Vake

    w12 4/15 p. 23 ndim. 4-5

    Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

    w10 12/15 pp. 30-31

    Kurinda Kwedu Kwava Kwokukurumidzira Zvikuru

    w03 12/15 p. 15 ndim. 6

    Jehovha ndiMwari Ane Mwoyo Murefu

    w01 11/1 p. 9 ndim. 7

    Kurarama Nokutenda Zvakavimbiswa naMwari

    w99 8/15 p. 16 ndim. 12

    Nguva Nemwaka Zviri Musimba raJehovha

    w98 9/15 p. 10 ndim. 5

Genesisi 6:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvingava zvichireva kuti “Vawisi,” kureva kuti vaya vanoita kuti vamwe vawe kana kuti vadonhe. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Akapa Nyika Mhosva

    wcg chits. 2

    Ndivanaani Vainzi vaNefirimu?

    ijwbq nyaya 133 ndim. 9

    “Akafamba naMwari Wechokwadi”

    w13 4/1 pp. 12-13

    Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

    w13 6/15 p. 22

    ‘Akachengetedzwa Pamwe Chete Nevamwe Vanomwe’

    w13 8/1 p. 12

    “Akafamba naMwari Wechokwadi”

    ia chits. 2 ndim. 5-6

    Chakaita Kuti Mwari Anzwire Noa Nyasha—Chinoita Kuti Tide Kuziva

    w08 6/1 p. 5

    Honzeri Yezvakaipa Inofumurwa!

    w07 6/1 p. 5

    Kutenda kwaNoa Kunopa Nyika Mhosva

    w01 11/15 pp. 28-29

    Unoona Vanhu Vane Chisimba Sezvinoita Mwari Here?

    w00 4/15 pp. 27-28

    “Akavasika Murume Nomukadzi”

    w97 6/15 pp. 15-16 ndim. 6-7

    Bhuku reBhaibheri Nhamba 1—Genesi

    si p. 14 ndim. 12

Genesisi 6:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 8:21; Jer 17:9; Mt 15:19

Genesisi 6:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akarwadziwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 78:40, 41

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mwari Anochinja Mafungiro Ake Here?

    ijwbq nyaya 86

    Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesi—I

    w04 1/1 p. 29 ndim. 6

    Unogona Kuita Kuti Mwari Afare

    w04 5/15 p. 5

    Nguva Yako Yemberi Ichava Yakaita Sei?

    w98 4/15 p. 7

    Jehovha, “Mutongi Wapasi Rose” Asingasaruri

    w92 7/1 p. 9 ndim. 5

    Kununurwa Kwava Pedyo Nokuda Kwavanhu Vokuzvipira Kwoumwari!

    w90 4/15 p. 12

Genesisi 6:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nguva Yako Yemberi Ichava Yakaita Sei?

    w98 4/15 p. 7

Genesisi 6:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Unoshurikidza Nyika Nokutenda Kwako Here?

    w89 10/1 pp. 11-14

Genesisi 6:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “asina chaanopomerwa.”

  • *

    ChiHeb., “pezvizvarwa zvake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 7:1; Eze 14:14; VaH 11:7
  • +2Pe 2:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Akapa Nyika Mhosva

    wcg chits. 2

    “Akanga Anyatsofadza Mwari”

    wp17 nha. 1 p. 11

    “Akafamba naMwari Wechokwadi”

    w13 4/1 p. 12

    “Akafamba naMwari Wechokwadi”

    ia chits. 2 ndim. 3

    Chakaita Kuti Mwari Anzwire Noa Nyasha—Chinoita Kuti Tide Kuziva

    w08 6/1 pp. 5-6

    Tichafamba Nezita raJehovha Mwari Wedu

    w05 9/1 pp. 18-20

    Kutenda kwaNoa Kunopa Nyika Mhosva

    w01 11/15 p. 29

    ‘Ramba Uchifamba Uri Pamwe naKristu’

    w98 6/1 p. 9 ndim. 1

    Mwari Munhu Chaiyeiye Kwauri Here?

    w98 9/15 p. 23

    Kufamba naMwari—Nhano Dzokutanga

    w98 11/15 p. 10 ndim. 3

    Unoyeuka Here?

    w98 12/15 p. 30

    Unoshurikidza Nyika Nokutenda Kwako Here?

    w89 10/1 p. 11

    Vapukunyuki Vachava Vanaani?

    tp chits. 8 ndim. 10

Genesisi 6:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 5:32

Genesisi 6:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Akapa Nyika Mhosva

    wcg chits. 2

    Kuguma Kwenyika Unokutya, Unokutarisira Kana Kuti Waneta Nokukumirira Here?

    w13 1/1 p. 5

    Kurinda Kwedu Kwava Kwokukurumidzira Zvikuru

    w03 12/15 p. 16 ndim. 13

Genesisi 6:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 24:37-39; 2Pe 2:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Akapa Nyika Mhosva

    wcg chits. 2

Genesisi 6:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 7:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Akapa Nyika Mhosva

    wcg chits. 2

Genesisi 6:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 11:7
  • +Ge 14:10; Eks 2:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Oiri—Kukubatsira Kwainoita

    g03 11/8 p. 3

Genesisi 6:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nyaya yeMafashamo Emunguva yaNoa Yakaitika Zvechokwadi Here?

    ijwbq nyaya 156

    Mafashamo—Iidi Kana Kuti Ingano Here?

    g97 2/8 p. 19

Genesisi 6:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko racho rechiHebheru nderekuti tso′har. Vamwe vanoti tso′har inoreva denga rakakwirira nechepakati nekubhiti rimwe chete, kwete kuti ihwindo rinopinza chiedza.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 7:16

Genesisi 6:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ine mhepo yekufema yeupenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 1:7; 7:6, 11
  • +Ge 7:21; Pis 104:29; Mt 24:39; 2Pe 2:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Tinofamba Nokutenda, Hatifambi Nokuona”

    w98 1/15 p. 9 ndim. 5-6

Genesisi 6:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 7:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    ‘Akachengetedzwa Pamwe Chete Nevamwe Vanomwe’

    w13 8/1 pp. 13-14

Genesisi 6:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 8:17
  • +Ge 7:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    ‘Akachengetedzwa Pamwe Chete Nevamwe Vanomwe’

    w13 8/1 pp. 13-14

Genesisi 6:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 7:14, 15

Genesisi 6:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 1:29, 30

Genesisi 6:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:16; VaH 11:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesi—I

    w04 1/1 p. 30 ndim. 6

    Va“kaita Saizvozvo”

    w95 12/15 pp. 11-12

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 6:2Job 1:6; 38:7; 2Pe 2:4; Jud 6
Gen. 6:3Ge 7:4; 1Pe 3:20
Gen. 6:32Pe 3:9
Gen. 6:5Ge 8:21; Jer 17:9; Mt 15:19
Gen. 6:6Pis 78:40, 41
Gen. 6:9Ge 7:1; Eze 14:14; VaH 11:7
Gen. 6:92Pe 2:5
Gen. 6:10Ge 5:32
Gen. 6:12Mt 24:37-39; 2Pe 2:5
Gen. 6:13Ge 7:4
Gen. 6:14VaH 11:7
Gen. 6:14Ge 14:10; Eks 2:3
Gen. 6:16Ge 7:16
Gen. 6:17Ge 1:7; 7:6, 11
Gen. 6:17Ge 7:21; Pis 104:29; Mt 24:39; 2Pe 2:5
Gen. 6:18Ge 7:13
Gen. 6:19Ge 8:17
Gen. 6:19Ge 7:2
Gen. 6:20Ge 7:14, 15
Gen. 6:21Ge 1:29, 30
Gen. 6:22Eks 40:16; VaH 11:7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 6:1-22

Genesisi

6 Vanhu pavakatanga kuwanda panyika uye pavaibereka vanasikana, 2 vanakomana vaMwari+ wechokwadi* vakatanga kuona kuti vanasikana vevanhu vakanga vakanaka. Saka vakatanga kutora vese vavainge vada vachivaita madzimai avo. 3 Jehovha akabva ati: “Handisi* kuzongosiya munhu akadaro nekusingaperi,+ nekuti anongova zvake wenyama.* Saka mazuva ake achasvika makore 120.”+

4 Mumazuva iwayo uye pashure pacho, panyika paiva nevaNefirimu.* Nguva iyoyo vanakomana vaMwari wechokwadi vakaramba vachirara nevanasikana vevanhu, uye vanasikana ivavo vaivaberekera vanakomana. Ava ndivo vanhu vekare vaiva nesimba, varume vaiva nemukurumbira.

5 Saka Jehovha akaona kuti uipi hwemunhu hwakanga hwanyanya panyika uye kuti zvese zvaaifunga uye zvaiva mumwoyo make zvakanga zvakangoipa nguva dzese.+ 6 Jehovha akademba* kuti akanga aita vanhu panyika, uye mwoyo wake wakarwadziwa.+ 7 Saka Jehovha akati: “Ndichabvisa panyika vanhu vandakasika, vanhu pamwe chete nezvipfuwo, mhuka dzinokambaira, uye zvisikwa zvekudenga zvinobhururuka, nekuti ndinodemba kuti ndakazvisika.” 8 Asi Noa akanzwirwa nyasha naJehovha.

9 Iyi ndiyo nhoroondo yaNoa.

Noa akanga ari munhu akarurama.+ Akanga asina mhosva* pakati pevanhu venguva yake.* Noa akafamba naMwari wechokwadi.+ 10 Nekufamba kwenguva, Noa akabereka vanakomana vatatu, Shemu, Hamu, naJafeti.+ 11 Asi Mwari wechokwadi akaona kuti nyika yakanga yaora, uye kuti yakanga yazara nekurwisana. 12 Zvechokwadi Mwari akatarisa nyika, akaona kuti yakanga yaora; nzira yemunhu wese yakanga yashata panyika.+

13 Mwari akazoti kuna Noa: “Ndafunga kuparadza nyama yese, nekuti vanhu vaita kuti panyika pazare nekurwisana, saka ndiri kuvaparadza pamwe chete nenyika.+ 14 Zvigadzirire areka nemuti unobudisa zvinonama.+ Uikamure-kamure mukati mayo, woinama netara+ mukati nekunze. 15 Aya ndiwo magadziriro auchaiita: Areka yacho inofanira kunge yakareba makubhiti* 300, yakafara makubhiti 50, uye yakakwirira makubhiti 30. 16 Uchagadzira hwindo rinopinza chiedza* muareka, kubhiti rimwe chete kubva kumusoro. Unofanira kuisa suo reareka parutivi payo+ uye woigadzira iine nhurikidzwa yepasi, yechipiri neyechitatu.

17 “Ini ndichaunza mafashamo+ panyika kuti ndiparadze nyama yese ine upenyu* iri pasi pedenga. Zvese zviri panyika zvichaparara.+ 18 Uye ndiri kuita sungano yangu newe, uye unofanira kupinda muareka nevanakomana vako, nemudzimai wako, nemadzimai evanakomana vako vauinavo.+ 19 Uye pinza muareka zvisikwa zvese zvipenyu+ zviri zviviri zviviri, chikono nechikadzi,+ kuti zvichengetedzwe zviri zvipenyu pamwe chete newe; 20 zvisikwa zvinobhururuka, maererano nemarudzi azvo, nezvipfuwo, maererano nemarudzi azvo, nezvese zvinokambaira panyika, maererano nemarudzi azvo, zvinofanira kupinda imomo maunenge uri zviri zviviri zviviri kuti zvichengetedzwe zviri zvipenyu.+ 21 Asi iwe, unofanira kuunganidza zvekudya zvemarudzi ese,+ kuti zvizova zvekudya zvako nezvemhuka.”

22 Noa akaita zvese zvaakanga arayirwa naMwari. Akaita izvozvo chaizvo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe