Eksodho
19 Mumwedzi wechitatu vanakomana vaIsraeri vabuda munyika yeIjipiti,+ pazuva rimwe chetero, vakasvika kurenje reSinai.+ 2 Vakatama kuRefidhimu,+ vakasvika kurenje reSinai, vakadzika musasa murenje;+ uye Israeri akadzika musasa ipapo pakatarisana negomo.+
3 Mosesi akakwira kuna Mwari wechokwadi, Jehovha akamushevedza ari mugomo,+ achiti: “Unofanira kuudza imba yaJakobho izvi uye uzivise vanakomana vaIsraeri kuti, 4 ‘Imi makaona zvandakaitira vaIjipiti,+ kuti ndikutakurei pamapapiro emakondo ndokuunzai kwandiri.+ 5 Zvino kana mukanyatsoteerera+ inzwi rangu uye mukachengeta sungano yangu,+ muchabva mava pfuma yangu chaiyo pakati pemamwe marudzi ose,+ nokuti nyika yose ndeyangu.+ 6 Imi muchava kwandiri umambo hwevapristi norudzi rutsvene.’+ Aya ndiwo mashoko aunofanira kuudza vanakomana vaIsraeri.”
7 Naizvozvo Mosesi akauya, akashevedza varume vakuru+ vevanhu, akaisa pamberi pavo mashoko aya ose aakanga arayirwa naJehovha.+ 8 Pashure paizvozvo vanhu vose vakapindura vachibvumirana, vakati: “Tinoda kuita zvose zvataurwa naJehovha.”+ Mosesi akabva adzorera mashoko evanhu kuna Jehovha.+ 9 Jehovha akati kuna Mosesi: “Tarira! Ndichauya kwauri ndiri mugore dema,+ kuti vanhu vanzwe pandinotaura newe,+ uye kuti vatendewo mauri nokusingagumi.”+ Mosesi akabva audza Jehovha mashoko evanhu.
10 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Enda kuvanhu, uvatsvenese nhasi namangwana, uye vanofanira kugeza majasi avo.+ 11 Vanofanira kuva vakagadzirira nokuda kwezuva rechitatu, nokuti pazuva rechitatu Jehovha achaburukira paGomo reSinai+ vanhu vose vachizviona. 12 Utarire vanhu miganhu kumativi ose, uchiti, ‘Chenjerai kuti murege kukwira mugomo, uye musasvika mujinga maro. Chokwadi munhu anobata gomo achaurayiwa.+ 13 Hapana ruoko runofanira kumubata, nokuti chokwadi achatemwa nematombo kana kuti achapfurwa. Ingava mhuka kana kuti munhu, haazorarami.’+ Panorira hwamanda yenyanga yegondohwe+ ivo vangauya kugomo.”
14 Zvino Mosesi akaburuka mugomo akaenda kwaiva nevanhu, akatanga kutsvenesa vanhu; ivo vakageza majasi avo.+ 15 Naizvozvo akati kuvanhu vacho: “Gadzirirai+ mumazuva matatu. Musaswedera pedyo nomukadzi.”+
16 Zvino pazuva rechitatu, ava mangwanani, pakava nemabhanan’ana nemheni,+ uye gore dema+ rakavapo pamusoro pegomo nokurira kwazvo kwehwamanda,+ zvokuti vanhu vose vakanga vari mumusasa vakatanga kudedera.+ 17 Zvino Mosesi akabudisa vanhu mumusasa kuti vanosangana naMwari wechokwadi, ivo vakanomira mujinga megomo.+ 18 Gomo reSinai rakapfungaira rose,+ nokuti Jehovha akaburukira pamusoro paro ari mumoto;+ utsi hwaro hwakaramba huchikwira soutsi hwebisiro,+ uye gomo rose rakanga richizununguka kwazvo.+ 19 Kurira kwehwamanda pakwakaramba kuchingowedzera kwazvo, Mosesi akatanga kutaura, Mwari wechokwadi akamupindura nenzwi rake.+
20 Naizvozvo Jehovha akaburukira paGomo reSinai, pamusoro pegomo racho. Jehovha akabva ashevedza Mosesi kuti akwire pamusoro pegomo, Mosesi akakwira.+ 21 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Buruka, nyevera vanhu, kuti varege kuedza kupfuura muganhu vachienda kuna Jehovha kuti vatarire, nokuti vazhinji vavo vangafa.+ 22 Vapristi vanoswedera kuna Jehovha nguva dzose ngavazvitsvenesewo,+ kuti Jehovha arege kuvaparadza.”+ 23 Mosesi akati kuna Jehovha: “Vanhu havakwanisi kukwira muGomo reSinai, nokuti imi makatinyevera, muchiti, ‘Tarai miganhu yegomo muriite dzvene.’”+ 24 Asi Jehovha akati kwaari: “Enda, buruka, uye ukwire, iwe naAroni wauinaye; asi vapristi nevanhu ngavarege kupfuura muganhu kuti vauye kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza.”+ 25 Naizvozvo Mosesi akaburuka, akaenda kwaiva nevanhu, akavaudza.+